The Herald (Zimbabwe)

Parirenyat­wa yagadzirir­a

- Munyori weKwayedza

CHIKAMU chePariren­yatwa Group of Hospitals icho chakasarud­zwa senzvimbo yekuchenge­tera varwere veCovid-19 pamwe nekuvarapi­ra chapera kuvandudzw­a uye chagadziri­ra kutora varwere ava.

Chikamu ichi chakavandu­dzwa sezvaitari­sirwa uye michina nemimwe midziyo inodiwa zvavapo, apo Hurumende iri kusimbarad­za matanho ekurwisana nechirwere icho chatekeshe­ra pasi rose ichi.

Nemusi weChina svondo rino, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vakabatana negurukota rezvekuton­gwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuwanisw­a kwedzimba, Cde July Moyo nevamwe vakuru-vakuru veHurumend­e mukumema muzinda unozivikan­wa nekuti “Covid-19 Red Zone” uyu.

Kumema uku kwaive nechinangw­a chekuona pasvika gadziriro dzekuti muzinda uyu uchitanga kushandisw­a.

Muzinda uyu une mibhedha 420 uye makurukota aya nevamwe vakamema mawadhi, nzvimbo inoitwa varwere oparesheni neIntensiv­e Care Unit.

Basa rose rekuvandud­zwa kwemuzinda uyu rakapera zvakanaka.

Vachitaura mushure mekumema muzinda uyu, chamangwiz­a wechipatar­a ichi, VaEnerst Manyawu, vanoti vanofadzwa zvikuru nekufamba kuri kuita basa iri asi pane mimwe midziyo yakakosha ichiri kudiwa.

“Nzvimbo dzedu dzinoitwa oparesheni varwere dzava nemidziyo, asi tichiri kumirira mimwe kubva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Panyaya yezvivakwa, sechipatar­a, ndinoti zvave pedyo nekuringan­a uye tinotenda zvikuru mamaneja emabasa edu avo vakakwanis­a kufambisa basa rekuvandud­za chipatara ichi nenguva duku-duku.”

Vanoti muzinda uyu uchange wave nevashandi vakakwana pamwe chete nezvekusha­ndisa panguva iyo unozotanga kutambira varwere veCovid-19.

Zvichiteve­ra ongororo yakaitwa neHurumend­e muchikanu chezveutan­o, zvipatara 13 munyika yose zvakasarud­zwa kuti zvibatsire varwere veCovid-19.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe