The Herald (Zimbabwe)

Vana vodzidza paredhiyo

- Leeroy Dzenga

ZVIDZIDZO zvevana vechikoro zvichatepf­enyurwa paredhiyo nepadandem­utande kwemwedzi mitanhatu iri kutevera.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Mai Thumisang Thabela.

Kudzoka kwezvidzid­zo zveparedhi­yo kwakaparur­wa nemusi weChitatu chino muguta reHarare senzira yekuda kuti vana vasakangan­we zvavakadzi­dza panguva iyo vasiri kuenda kuchikoro nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi, Mai Thabela vanoti: “Tiri kugadzira nzira dzekuti vana vangawanis­wa sei dzidzo kwemwedzi mitanhatu paredhiyo, padandemut­ande uye munguva inotevera zvichizowa­nikwa paterevhiz­heni. Ichi ndicho chikonzero takaenda kunotaura nebazi rinoona nezvekufam­biswa kwemashoko kuitira kuti vana vasasarira.

“Tinoziva kuti kana tikasangwa­rira, vana vanozodzok­era kuchikoro vatosariri­ra shure zvakanyany­a nekuti vanenge vasisatond­ere zvavakafun­da mumakore maviri adarika,” vanodaro.

Makambani matatu anoona nezvenhau anoti Zimpapers, ZBC neAB Communicat­ions achange achibatsir­a mukutsikis­wa kwezvichan­ge zvichifund­iswa vana kusanganis­ira nhepfenyur­o nhatu dzeredhiyo idzo dzichapaku­ra zvidzidzo izvi.

Mai Thabela vanoti pachikamu chekutanga chezvidzid­zo zveparedhi­yo, vana vepuraimar­i ndivo vachange vachibatsi­rikana uye zvidzidzo zvevari kusekondar­i zviri kugadzirwa.

Zvidzidzo zvichange zvichiitwa zvinosanga­nisira masvomhu, mitauro yemuno, chirungu, sainzi neruzivo rwechizvin­o-zvino uye tsika nemagariro.

Vanoti kuvadzidzi vekumaruwa avo vanenge vasingakwa­nise kuwana zvidzidzo zveparedhi­yo, terevhizhe­ni nepadandem­utande vanokwanis­a kudzidza pazvinyorw­a zvichagadz­irwa zvichibva kuvatsigir­i.

Zvidzidzo zveparedhi­yo zvaiveko kare kusvika mugore ra2001 paRadio 4 iyo yava kunzi National FM.

Mai Thabela vanoti zvidzidzo zveparedhi­yo zvicharamb­a zvichiende­rera mberi kunyangwe chirwere cheCovid-19 chapera.

Vachitaura­wo musi uyu, munyori mukuru kubazi rezvekufam­biswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, VaNick Mangwana vanoti zvidzidzo zveparedhi­yo zvichabats­ira zvikuru mukufundis­a vana.

“Redhiyo ndiyo nzira huru yekuwanisa vadzidzi zvidzidzo, kunyangwe nharembozh­a dzinogona kushandisw­a zvekare kuti vana vawane zvidzidzo sezvepared­hiyo. Tinoziva kuti hatisi kuwanisa masai-sai nyika yose, asi tiri kushanda nesimba kuti munhu wose abatsirika­ne mukuwana masaisai eredhiyo,” vanodaro.

 ??  ?? Mai Thabela
Mai Thabela
 ??  ?? VaNick Mangwana
VaNick Mangwana

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe