The Herald (Zimbabwe)

Vane Covid-19 vowanda

- Tandayi Motsi

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoti muZimbabwe mava nevanhu 287 avo vanhenekwa ndokuwanik­wa vaine Covid-19 — chirwere chinokonze­rwa nehutachio­na hunonzi coronaviru­s.

Pavanhu 287 ava, 46 vavo vakanaya kubva kuchirwere ichi kuchiti vamwe vana (4) vakashaya.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenek­wa uku avo vanova 99, richitever­wa neMasvingo (41), Matabeland South (41), Midlands (24), Mashonalan­d East (23), Matabeland North (6) uye Mashonalan­d Central ndiyo ine vashoma vabatwa vaine chirwere ichi vanove vana (4).

Bazi iri rinoti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 hwakwira zvichiteve­ra kuvhenekwa kwakaitwa vanhu vashanu nemusi weMuvhuro uno — vose vainge vabva kuSouth Africa — ndokuwanik­wa vaine coronaviru­s.

Zvizvarwa zvemuno zvinenge zvabva kunze kwenyika zvinomboch­engetwa kwemazuva 21 kunzvimbo dziri kwadzo dzoga apo vanhu ava vanenge vachivhene­kwa nekuongoro­rwa kuti havana chirwere ichi here.

“Kusvika pari zvino, vanhu vavhenekwa ndokuwanik­wa vaine Covid-19 vanosvika 287 apo 46 vavo vakanaya kubva kuchirwere ichi kuchiti vamwe vana (4) vakafa kubvira musi wa20 Kurume 2020 apo pakatanga kuvhenekwa varwere,” rinodaro bazi iri.

Vanhu vavhenekwa Covid-19 munyika yose kusvika pari zvino vasvika 53 668.

“Kumbocheng­etedzwa pamwe nekuvhenek­wa kwezvizvar­wa zvemuno zvinenge zvichidzok­a kubva kunze kwenyika panzvimbo dzavo voga kunobatsir­a kuti vaya vanenge vaine hutachiona vachimbidz­e kuzivikanw­a uye kuti chirwere cheCovid-19 chisaparar­ire muno,” rinodaro bazi iri.

Coronaviru­s hutachiona hunokonzer­a kurwara sekupindwa nechando zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva.

Hutachiona uhu hwakaipisi­sa sezvo huchitapur­iranwa nyore kuburikidz­a nekusangan­a pedyo nepedyo nemunhu anaho.

Zviratidzo zvechirwer­e ichi ndezvinote­vera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochu­ruruka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifunga kuti une Covid-19, ridza nhare dzinotever­a dzekubazi rezveutano: Hotline +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe