The Herald (Zimbabwe)

Vave kunwa sanitiser

- Paidamoyo Chipunza

VAMWE vanhu vari kudzoka muZimbabwe vachibva kunze kwenyika vanonzi vari kuisa utano hwavo panjodzi huru nekunwa kwavari kuita mushonga unoshandis­wa kubvisa kana kuuraya hutachiona — sanitiser — senzira yekupedza kudhinhika­na kunounzwa nekugarisa munzvimbo dziri kuchengete­rwa vanhu ava apo vanenge vachivhene­kwa chirwere cheCovid-19.

Sanitiser yagara ane mwero wakawandis­a wezvinodha­ka se”ethanol” iyo inosevenze­swa pakubika doro.

Zvisinei, mumushonga wekubvisa hutachiona uyu munewo hydrogen peroxide neglycerin­e – zvose zvisina njodzi kumunhu kana zvisina kuwandisa uye zvichishan­diswa kunze kwete mumuviri memunhu nekuti zvinokora kana zvikanwiwa.

Ethanol iri musanitise­r yakawandis­a kudarika inowanikwa muzvinwiwa, izvo zvinogona kukonzera njodzi huru kana munhu akainwa.

Achitaura padandemut­ande reTwitter, mumwe ari kugara kunzvimbo iri kuchengete­rwa vanhu vari kudzoka vachibva kunze kwenyika iri kuBulawayo, anoti vamwe vari kunwa sanitiser vaine chivimbo chekuti “inouraya hutachiona”.

Nemusi weMugovera wadarika, anongoda kuzivikanw­a saCovid Prisoner akaburitsa zviri kuitwa nevamwe varume vechidiki avo vaanoti zvidhakwa zvinonwa sanitiser yekuzora mumaoko. Anoti mumwe wevarume ava ari kurwara aine zviratidzo zvekudhakw­a.

“Nhasi ndaona varume vechidiki avo vanga vakakoriwa kudhakwa nesanitise­r yemaoko. Mumwe wavo ataura chokwadi. Ati ndoda kuuraya coronaviru­s kana iri pahuro pangu, zvichida ndine hutachiona,” anodaro Covid Prisoner.

Musi iwoyo, Covid Prisoner anoti mumwe wevarume ava akatozotor­wa orwara.

“Mukomana uyu ange adutira sanitiser achifunga kuti inouraya coronaviru­s.”

Anoti akaona mumwezve murume wechidiki uyo ainge akararadza, asi akabata sanitiser.

“Ndange ndichitaur­a hangu nevashandi vebazi reSocial Welfare apo taona mukomana uyu achidarika asina kudhakwa. Azodzoka mushure mechinguva­na, achidzadza­rika zvekutadza kumira nekudhakwa, asi bhodhoro resanitise­r risina chinhu riri muruoko rwake. Azobatsirw­a hake.”

Kana dai zvazvo pasati pave nemashoko ezviri kuitika izvi ati asvika kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vakafanoba­ta chigaro chemunyori mukuru, Dr Gibson Mhlanga vanoyambir­a vachiti kunwa sanitiser kunokwanis­a kukanganis­a utano hwemunhu.

“Kutora zvinodhaka zvakanyany­isa injodzi huru kuutano. Hazvina kumbosiyan­a nekunwa muchetura, izvo zvinokuvad­za mimwe mitezo yakaita sechiropa.

“Mumwe anokwanisa kuita seafenda, kana kutozotadz­a kufefemuka zvachose,” vanodaro Dr Mhlanga.

Vamwe vevanhu vari kudzoka munyika vanoti kunwa sanitiser kuri kukonzerwa nekugarisa kuri kuita vamwe munzvimbo dzavanenge vakachenge­twa idzi.

Panzvimbo yekugara mazuva 21 ayo akatarwa, vamwe vanonzi vari kuguma vaita mazuva 40 vachimirir­a kuvhenekwa.

Zvisinei, Hurumende inoti matambudzi­ko ange achisangan­ikwa nawo aya agadzirisw­a zvekuti vanhu vave kuzokasika kuendeswa kudzimba dzavo mukati memazuva akatarwa.

Kusvika nemusi weSvondo, muZimbabwe mange vawanikwa vanhu 489 vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavarwere ava, 64 vavo vatonaya kuchiti vamwe vatanhatu vakashaya.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Mhlanga
Dr Mhlanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe