The Herald (Zimbabwe)

Vakaremara voti vaomerwa

- Kingstone Mapupu

CHIKWATA chemutambo wecricket chevanhu vanorarama nehurema, cheZimbabw­e Differentl­y Disabled Cricket Team, chinoti vaomerwa neupenyu uye vasarira kumashure zvikuru muhurongwa hwavo nekuda kwematambu­dziko aunzwa nechirwere cheCovid-19 zvichiteve­ra kumiswa kwakamboit­wa mitambo senzira yekudzivir­ira kupararira kwedenda iri.

Sachigaro webhodhi resangano iri, Lewis Garaba, anoti nhengo dzechikwat­a chavo dzaomerwa neupenyu zvichiteve­ra kumiswa kwakaita mitambo yavo yose.

“Isu vanotamba mutambo wecricket tiine hurema tichishand­isa mawirichey­a, zvinhu hazvina kutimirira zvakanaka. Nhamo yedu yakatanga nekuuya kwakaita Covid-19 nekuti raramo yedu inobva pakutamba mutambo uyu. Kuburikidz­a nekugara kudzimba, hatina zvimwe zvekuita zvekuti yangova nzara yoga mumhuri dzedu,” anodaro Garaba.

Anoenderer­a mberi achiti, “Taifanirwa kuenda kuWorld Cup gore rino, zvino zvose zvakaenda mudondo nekuda kweCovid-19. Hatisi kukwanisa kusangana tichiita mitambo sezvo kwava negadzirir­o dzekuti makwikwi epasi rose azoitwa gore rinouya ra2021.”

Anoti gadziriro dzegore rinouya kuti vazoenda kunokwikwi­dza dziri kukanganis­wa zvakare nekuda kwekuti vanhu vagere kudzimba senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

“Gore rinouya, kune makwikwi akarongwa kuitirwa kuDubai mumwedzi uchadomwa. Asi dambudziko nderekuti hatina mari sechikwata saka tiri kutopemha mari dzendege, yembatya dzinodiwa neyechikaf­u.

“Saka tiri kutsvaga rubatsiro kubva kumakamban­i nemasangan­o kana kuvamwewo vatsigiri,” anodaro Garaba.

Anoti vanoshuvir­a kuti matambudzi­ko aunzwa neCovid-19 achidarika nekuti nhengo dzavo dzakawanda dziri kutambura nekuda kwemamirir­o akaita zvinhu munyika.

“Kutaura chokwadi tafa nenzara kudzimba kwedu nemhuri nekuti hatina chimwe chinotirar­amisa kunze kwekuwana mari kubva mukutamba cricket. Hatina homwe yatinogona kuwana mari sezvinoita vamwe kana zvinhu zvaoma sekudai.”

Garaba anotiwo rimwe dambudziko ravari kusangana naro sevanhu vakaremara mitezo nderezveku­fambisa apo vanenge vachida kuenda kuchipatar­a kana kuzvitoro kunotenga.

“Mazuva ano motokari dziri kunetsa saka idambudzik­o guru kwatiri vanhu vakaremara kana tichida kuenda kunyangwe kuchipatar­a,” anodaro.

 ??  ?? Lewis Garaba
Lewis Garaba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe