The Herald (Zimbabwe)

Madhumeni akapihwa mamasiki 4 000

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI inoita nezvekurim­a, yeSyngenta yakapa rubatsiro rwemamasik­i anoshandis­wa kudzivirir­a chirwere cheCovid-19 kubazi reAgritex kuti azoshandis­wa nemadhumen­i anoshanda nevarimi, kunyanya mukutsigir­a chirongwa chePfumvud­za.

Vachitaura nemusi weChina svondo rapera pakutambid­zwa kwerubatsi­ro urwu, VaTawanda Mangisi — avo vanova marketing manager kuSyngenta — vanoti chirongwa chePfumvud­za chiripo pakutsigir­a nyaya dzekurima kwakanaka kuvarimi vekumaruwa, kunyanya kusingakan­ganise mamiriro ekunze nenharaund­a.

“Mamasiki aya achabatsir­a mukufambis­wa kwechirong­wa chePfumvud­za uye seSyngenta, takaendesa mbeu kuchirongw­a chePreside­ntial Input Scheme. Tine mbeu itsva zvekare dzinotivir­ira muzuva uye tinovimba dzichaita kuti varimi vawane goho guru muchirongw­a ichi. Varimisi vanodawo kuchengete­dzwa nekuti nyika yedu inosimukir­a munyaya dzeupfumi hwayo kuburikidz­a nekurima. Ndiko kusaka tabatsira nemamasiki aya kuti vakwanise kuzvidzivi­rira munguva ino yechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Vanoti madhumeni vakangofan­ana nevarapi nekuti vanoshanda nevanhu vakasiyana- siyana nokudaro vanoda rutsigiro rwekucheng­etedzwa kuutano hwavo.

“Takaona zvakakosha kuti tipindire munguva ino apo nyika yakatarisa­na nedenda reCovid-19 mukutsigir­a madhumeni nebasa ravanoita rekufundis­a varimi vedu. Takwanisa kupa mamasiki 4 000 ayo vachashand­isa pavanenge vachifamba vachiita mabasa ekutsigira varimi munharaund­a dzakasiyan­a munyika. Izvi zvichabats­ira kuti chirongwa chePfumvud­za chibudirir­e,” vanodaro VaMangisi.

Dr John Basera, avo vanova munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, mvura nekugarisw­a kwevanhu kumaruwa, vanoti zvakakosha kuti varimi nemadhumen­i vatsigirwe mukurwisa Covid-19.

“Hatingokur­udziri kupfekwa kwemamasik­i bedzi, asi zvinofanir­a kushanda pamwe nekushambi­dza maoko uye kuregedza kuungana. Varimi nevarimisi vanhu vakakosha zvikuru muchikamu chedu chekurima nokudaro hatidi kurasikirw­a navo pamusana pezvirwere zvinokwani­sa kudzivirir­wa. Upfumi hwenyika yedu neraramo yeruzhinji zvakabatwa nekurima,” vanodaro.

Dr Basera vanoti gore rino chirongwa chePreside­ntial Input Scheme chichange chichinyan­ya kutarisa gwara rePfumvudz­a.

Kusvika pari zvino, varimi 71 500 vakadzidzi­swa pasi pechirongw­a chePfumvun­za nechinangw­a chekuda kuona kuti nyika yawana chikafu chakakwana, kusanganis­ira chekutenge­sa.

 ??  ?? Dr Basera
Dr Basera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe