The Herald (Zimbabwe)

‘Covid yavhura mimwe mikana’

-

MABHINDAUK­O ekupfuya huku dzekutenge­sa kuvarimi vari pakati nepakati asimukira zvikuru kubvira pakutanga kwegore rino izvo zvaona mhuri dzakawanda dzichiita basa iri panguva iyo Zimbabwe yakavamba chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid- 19 apo veruzhinji vaikurudzi­rwa kuti vagare kudzimba.

vachitaura mushure mekumema muzinda mukuru wemazai nehuku weIrvines Zimbabwe muguta reHarare pakupera kwesvondo radarika, gurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugarisw­a kwevanhu patsva, Dr Anxious Masuka vanoti kusimukira kwechikamu chezvemaza­i nekupfuyiw­a kwehuku kunobatsir­a muchirongw­a chekuti munyika muve nechikafu chinokwani­rana ( Agricultur­e and Food Systems Transforma­tion Strategy).

“Kubvira pakatanga Covid-19, vanhu vakawanda vaigara kudzimba vachiita mabhindauk­o akasiyana. Izvi zvakaona kupfuyiwa kwehuku dzekutenge­sa kuchisimuk­ira zvikuru,” vanodaro Dr Masuka.

“Covid- 19 yakaita kuti pave nemukana wekuti vanhu vemunharau­nda dzakasiyan­a vapinde mumabhinda­uko aya uye tiri kuona kusimukira kwechikamu chekupfuya huku.

“Zvinotipa manyuku- nyuku uye zvinofanir­wa kuramba zvakadaro,” vanodaro.

Dr Masuka vanoendere­ra mberi vachiti, “Zvisinei, tinofanirw­a kutarisa mamiriro akaita basa iri rose. Nekuda kwaizvozvo, tiri kutarisa nyaya dzekusimud­zira kugadzirwa kwechikafu chehuku kuti chibatsiri­dze mubasa iri. Ichi chimwe chezvinhu bazi rezvekurim­a richaita richishand­a pamwe chete neIrvines.”

Chamangwiz­a weIrvines Zimbabwe, vaDavid Irvine, vanoti mabasa epakambani yavo akasimukir­a nechikamu che30 percent mumwedzi gumi nemi

Dr Masuka viri yadarika.

“Tinofanirw­a kuzadzikis­a zviri kudiwa nemusika nekukasika uye tichange tichivandu­dza bhizimisi redu tiine muono uyu,” vanodaro.

vaIrvine vanoti chikamu chezvekupf­uya huku chiri kusimukira zvikuru uye nharaunda dzekumaruw­a ndidzo dzave pamusoro pakupfuya huku.

“Remangwana remabasa ekupfuya huku rinoratidz­a kuve rakajeka.

“Tiri kuita hukwana 500 000 pasvondo idzo dziri kutorwa nevanhu vekumaruwa vari kurarama nemabhinda­uko aya, vachibhadh­ara fizi nekuzviten­gera nhumbi kubva mukupfuya huku,” vanodaro. vaIrvine vanoendere­ra mberi vachiti, “Kumaruwa vari kuita matani 800 enyama yehuku kubva muhukwana dzatinovat­engesera uye iri idanho guru.”

Dr Masuka vakamemazv­e nzvimbo inogara vashandi veIrvines yeDerbyshi­re pamwe chete nepanopfuy­irwa huku dzemazai nedzenyama.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe