The Herald (Zimbabwe)

WHO yorumbidza Africa

- Munyori weKwayedza

AFRICA ndiyo yega pasi rose isina nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 dziri kunyanya kuwanda pari zvino, vanodaro Dr Tedros Adhanom Ghebreyesu­s avo vanova Director-General wesangano reWorld Health Organisati­on.

Vakataura mashoko aya nemusi weMuvhuro pamusangan­o weFinancia­l Times Africa Summit uyo wakaitwa padandemut­ande (virtual meeting).

“Chimwe chezvinhu zvishoma chiri kufadza muAfrica, idunhu risina kunyanya kutambudzw­a nechirwere ichi uye pari zvino Africa ndiyo yoga isina nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi vari kuwanda uyewo kudzikira kwenyaya dzevari kubatwa nedenda iri kunokurudz­irwa,” vanodaro.

Vanoti nyika dzakawanda dzemuAfric­a dzine zvadzakadz­idza kubva mukurwisa zvimwe zvirwere izvo zvakadziba­tsira zvikuru mukumisa kupararira kwehutachi­ona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a Covid-19.

Dr Tedros vanorumbid­za Africa nekusimbar­adza zvirongwa zvekuvhene­ka veruzhinji Covid-19 kunyangwe zvazvo nyika dziri mudunhu iri dzichiri kusangana nematambud­ziko ekushomeka kwemidziyo yekuvhenek­esa denda iri.

WHO, vanodaro, iri kushanda pamwe chete nemamwe mapoka nechinangw­a chekupedza chirwere cheCovid-19.

Mashoko aDr Tedros ari kuuya panguva iyo kusvika nemusi weMuvhuro uno, huwandu hwevanhu vakawanikw­a vaine Covid-19 muAfrica mushure mekuvhenek­wa hwave 1 577 644 apo 38 396 vakafa, sezviri mumagwaro anoburitsw­a neAfrica Centres for Disease Control and Prevention (CDC).

Dr Tedros vanosimbis­isa kuti matanho akatorwa neWHO mukurwisa chirwere ichi akaratidza pasi rose kuti nyaya dzekuwana utano hwakanaka uye harisi dambe asi kuti ikodzero yemunhu wose.

“Kusimudzir­wa pamwe chete nekutsigir­wa kwenyaya dzeutano nekuve neutano hwakacheng­etedzeka mativi maviri ekobiri akafanana. Kana vanhu vakave nemukana wekuwana utano hwemhando yepamusoro uye vachirapwa nemari yavanokwan­isa, mabhizimis­i neupfumi zvinosimuk­ira,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Ghebreyesu­s
Dr Ghebreyesu­s

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe