The Herald (Zimbabwe)

Coronaviru­s: Idi nenhema

-

HAKUNA chikonzero chekuti vanhu vabvume kuti kutonhora kwakanyany­a kana mamwe mamiriro ekunze angauraya utachiona hweCovid-19.

Kudziya kwemuviri wemunhu kunoramba kuri pa36.5°C kusvika pa37°C zvisinei nekusiyana kwemamirir­o ekunze. Nzira kwayo yekuzvidzi­virira kucoronavi­rus kugeza maoko nesipo nemvura achichena nguva nenguva.

Mvura inopisa haidziviri­re coronaviru­s: Kugeza nemvura inopisa hakudzivir­iri Covid-19 uye kudziya kwemuviri wemunhu kunoramba kuri pa36.5°C kusvika pa37°C, zvisinei nekuti wageza nemvura inotonhora kana inopisa. Unotogona kuzvipisa ukakuvara nemvura inopisisa. Kugeza maoko nesipo kunobatsir­a kurwisa utachiona nekuti ndiwo anozobata nzvimbo dzakavhuri­ka dzinova dziri nyore kupinda neutachion­a semuromo, mhuno nemaziso.

Kunyangwe zvazvo utachiona hwecoronav­irus huchigara kwemaawa akawanda panzvimbo, hazvireve kuti hunoramba huchiraram­a mushure mekunge hwabviswa kana kutakurwa huchienda kune dzimwe nzvimbo dzine kudziya kwakasiyan­a. Mushure mekuhubata, gezai maoko nesipo nemvura yakachena. Coronaviru­s haitapurir­we neumhutu: Kusvika pari zvino hakuna umboo hunoratidz­a kuti utachiona hweCovid-19 hunoparadz­irwa neumhutu. Chirwere ichi chinotambi­dzwana kuburikidz­a nemvura iri mumweya wekufema apo munhu anokosora kana kuhotsira kana dzihwa robva ratakura utachiona uhwu huchienda kumumwe munhu.

Gezai maoko enyu nesipo kana muchinge masangana nemunhu ari kukosora kana kuhotsira.

Midziyo yekuomesa maoko (hand driers) inouraya here utachiona?

Kwete, midziyo iyi haina simba rekuuraya coronaviru­s nokudaro rambai muchigeza maoko nesipo kuti muchengete­dze utano.

Ko simba remichina inopisa (ultraviole­t) rinouraya here coronaviru­s?

Hakuna zvakadaro, vanhu ngavasiyan­e nekatsika kekushandi­sa UV Lamps mukuuraya utachiona mumaoko avo nekuti vanogona kuzvikuvad­za ganda ravo. — WHO.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe