The Herald (Zimbabwe)

Vanasikana vapera kumitiswa: Mambo

- Kingstone Mapupu

MAMBO Nyamweda vekuMhondo­ro vanoti vari kushushika­na zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanasik­ana vechikoro vari kutizira kuvarume mudunhu ravo panguva iyo nyika yakatarisa­na nekurwisa Covid-19.

VaClaudiou­s Mandaza — avo vanova Mambo Nyamweda — vanoti inyaya inosuwisa zvikuru kuti vanasikana vanofanirw­a kunge vachiender­era mberi nedzidzo vave kunotanga dzimba.

“Mudunhu rangu ndinonzwa kuti vanasikana vane chitsama vakatizira kuvarume panguva ino apo zvikoro zvange zvakavharw­a nekuda kwe“lockdown” kubva mumwedzi waKurume kusvika zvino. Vamwe vevanasika­na ava vanonzi vari kutizira vabata pamiviri.

“Mhosva ndinoipa kuvabereki kureva kuti havasi kuchengete­dza vana vavo zvakanaka panguva ino,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Zvisinei, vanoti pari zvino havasati vave nehuwandu hwevanasik­ana vachiri kuenda kuchikoro vanonzi vakatizira sezvo umbowo uhu huchiri pakati pekuungani­dzwa.

“Ini samambo, ndinoshand­a nevatungam­iri vezvikoro nemakomiti emaSchool Developmen­t Committee (SDC) uye kana paine zvinonetsa vanondiziv­isa,” vanodaro.

VaGinny Mhariwa (48) vemubhuku raManhanzv­a kudunhu rimwe chete iri, avo vanotaura vakamirira vabereki, vanoti nyaya dzekutizir­a kwevanasik­ana nekutizirw­a kwevamwe vakomana vachiri pachikoro iri kuvatemesa misoro sevabereki.

“Ichokwadi, vana vakapera kuenda kuvarume vamwewo vachitizir­wa rinova dambudziko ratatarisa­na naro. Semuenzani­so, pachikoro cheMuchaka­ta-Chitemere Secondary pane vana vane chitsama vanonzi vakatizira. Huwandu hwevana ava hausati hwave kuzivikanw­a sezvo vasati vadzoka vose kuchikoro,” vanodaro VaMhariwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinotenda Hurumende yakadzika mutemo wekuti mwanasikan­a akaita pamuviri anokwanisa zvake kuenderera mberi nechikoro aine pamuviri pake.”

MuZimbabwe mune mutemo unoti kana dai mwana wechikoro akabata pamuviri, haafanirwe kudzingwa pachikoro asi kuti anoenderer­a mberi.

 ??  ?? Mambo Nyamweda
Mambo Nyamweda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe