The Herald (Zimbabwe)

Vanasikana vobatsirwa

-

SANGANO reForum for African Women Educationa­lists Zimbabwe Chapter ( FAWEZI) riri kusimudzir­a raramo yevanasika­na vachiri kuenda kuchikoro nekuvabhad­harira mari dzekudzidz­a.

Ntobile Nkiwane, uyo anoona nezvekudyi­dzana neveruzhin­ji musangano iri, anoti kubva pakatanga dambudziko rechirwere cheCovid-19 munyika muno nepasi rose, vakasimbar­adza mashandiro avo nekubatsir­a vanasikana.

“Sangano redu rine dingindira rekubatsir­a vechidiki, zvikuru vanasikana munyaya dzedzidzo. Kubva pakaiswa mutemo wekuti vanhu vagare kudzimba nechinangw­a chekurwisa chirwere ichi, takatanga kubatsira vanasikana vari kudzimba nezvinhu zvinosanga­nisira chikafu, mabhuku echikoro nezvimwe kuti vakwanise kuverenga,” anodaro Nkiwane.

Anoti donzvo guru resangano ravo nderekusim­udzira upenyu hwevanasik­ana kuti vabudirire mudzidzo yavo.

“Takaona kuti vanasikana ndivo vanosarira kumashure munyaya dzedzidzo izvo zvakaita kuti tipindire tichitaris­a mhuri dzinoshaya,” anodaro.

Sangano ravo, anodaro Nkiwane, riri kunyanya kubatsira vanasikana vari mugwaro reFomu 1 kusvika 6 nekuvabhad­harira mari dzechikoro, kutenga mayunifomu nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

“Tiri kutenderer­a munyika tichivapa chikafu nezvimwe zvinosanga­nisira zvavanosha­ndisa panguva yavo yekutevera,” anodaro Nkiwane.

Anoti kune vamwe vanasikana vachiri kuenda kuchikoro vakapihwa pamuviri munguva yekurwisa chirwere cheCovid-19 avo vari kubatsirwa nesangano ravo zvakare.

“Tine vanasikana vakaitiswa pamuviri apo vanhu vakanga vagere kudzimba vatiri kubatsira kuti vadzokere kuchikoro vaine zvose zvinodiwa sezvo Hurumende yakadzika mutemo wekuti vave kubvumirwa kudzidza vakazvitak­ura. Tinovaitis­a zvidzidzo zvekuti varege kunyara vamwe vana,” anodaro Nkiwane.

Sangano iri nguva pfupi yadarika rakabatsir­a zvikoro zviri kudunhu reMashonal­and Central nezvinhu zvakadai sematerevh­izeni, maDVD, maFirst Aid Kit, mabhini, mabhuku, masanitise­r nematangi ekuchenget­era mvura.

Zvimwe zvikoro zvakabatsi­rwa ndezvinoti Madziwa Mine Primary, Madziva Mine Secondary, Wadzanai Primary neMingchan­g Primary.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe