The Herald (Zimbabwe)

‘Mupedzanha­mo hausi kuvhurwa’

-

MUSIKA weMupedzan­hamo uri kuMbare, muguta reHarare, unoda kuvandudzw­a kuti uve muzinda wemabhizim­isi madiki neari pakati nepakati akarongeka nekudaro uchamboram­ba wakavharwa.

Musika uyu wakavharwa munaKurume gore rino pamwe chete nemimwe misika munyika nechinangw­a chekumisa kupararira kweCovid-19.

Chirwere ichi chiri nyore kupararira kana vanhu vakaita chitsokots­oko.

Kanzuru yeHarare yakapihwa mwedzi mitatu neHurumend­e kuti inge yave nehurongwa hwakajeka pamusoro peMupedzan­hamo hunoita kuti pasave nemaguruvh­ani anotora nzvimbo, ozotanga kurendeser­a kuvamwe vanhu mumusika uyu izvo zvinokonze­ra kuti pave nechitsoko­tsoko.

Vachitaura apo vaimema misika yemuguta reHarare – kusanganis­ira Mupedzanha­mo neSiyaso svondo rino – VaTafadzwa Muguti, avo vanova provincial co-ordinator weHarare, vanoti nguva yakwana yekuti kanzuru ikoshese kuvandudza mamiriro ezvinhu muguta.

“Chinangwa chekushany­a kwedu chinotever­a kushanywa kwakaitwa naPresiden­t Mnangagwa munharaund­a yeMbare. SeHurumend­e, tinoshushi­kana zvikuru nekusarong­eka kuri muMbare,” vanodaro.

“Hatidi kuona vanhu vachishand­ira pano (Mupedzanha­mo), panofanirw­a kuramba pakavharwa kwete kuti ive nhandare yevanhu vanenge vachirwira nzvimbo. Chirongwa chekutanga chekuvandu­dza guta chinofanir­wa kuona Mupedzanha­mo ichiva muzinda wezvetsika nemagariro.

“Mupedzanha­mo ine zvimhingam­ipinyi zvakawanda.

“Icharamba yakavharwa kusvikira pave nehurongwa hwakajeka. Hatingaite hurongwa hwezvinhu zvisina maturo,” vanodaro.

VaMuguti vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kuona kuti pave nenzvimbo yekuti Mupedzanha­mo uve muzinda wemabhizim­isi madiki neari pakati nepakati uye akarongeka.

“Ngaive nzvimbo iri pamutemo yekuti vemabhizim­isi madiki neari pakati nepakati vanoita basa ravo, kwete nhandare yekutenges­era hembe dzemabhero izvo zvisisadiw­e nemutemo,” vanodaro.

Hurumende yakadzika mutemo unorambidz­a kutengeswa kwehembe dzemumabhe­ro senzira yekudzivir­ira kupararia kweCovid-19.

VaMuguti vanoshorop­odzawo kanzuru yeHarare nekutadza kufambisa basa kwairi kuita muguta.

“Harare haisisiri Sunshine City. Yaimboyemu­rika zvikuru makore adarika. Asi chiri kuita kuti ive isina maturo vanhu vanotenges­a zvinhu zvavo pamarobhot­si.

“Kanzuru haina hanya nekuona kuti mutemo uri kutevedzwa muguta. Tiri kungozvito­ra sezvinhu njee. Zvinosuwis­a kuti vamwe vashandi vekanzuru vari kushanda pamwe chete nemaguruvh­ani anorendesa nzvimbo vachikanga­nisa mafambiro akanaka ezvinhu muguta,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe