The Herald (Zimbabwe)

‘KuBuhera munotigone­ra’

- Kingstone Mapupu

MUDZVITI weBuhera, kuManicala­nd, ari kutenda nhengo dzedare reParamend­e dzemudunhu iri nekubatana kwavo neruzhinji nemamwe masangano uye nemapazi eHurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19.

VaFreeman Mavhiza vanoti vari kufadzwa nemushandi­rapamwe uri pakati penhengo dzeParamen­e dzedunhu ravo pakurwisa Covid-19.

“Semamwe matunhu munyika, Buhera haina kusiiwa neCovid-19. Ndinongote­da nhengo dzeParamen­de dzematunhu edu mana ari muno — Buhera South, Buhera Central, Buhera North neBuhera West — vari kushanda pamwe chete vachibatsi­ra nezvinodiw­a pakurwisa chirwere ichi,” vanodaro VaMavhiza.

Vanoti pakangodzi­kwa mutemo wekunzi vanhu vagare kudzimba nechinangw­a chekuda kumisa kupararira kwechirwer­e ichi, nhengo dzeParamen­de dzemudunhu ravo — dzichitung­amirirwa neDistrict Covid Taskforce — dzakabatan­a mukumisa denda iri.

“Tine vamiriri mudare reParamend­e vanoti Cde Joseph Chinotimba vekuBuhera South, Cde Gijima Nyashanu (Buhera Central), Cde William Mutomba (Buhera North) naCde Soul Nzuma ( Buhera West), varume ava havana kuzorora kuti denda iri risatekesh­ere mudunhu medu,” vanodaro VaMavhiza.

Rubatsiro rwakabva kunhengo dzeParamen­de idzi rwunosanga­nisa mafuta edzimotoka­ri, mishonga yekufirita kuuraya hutachiona, masanitise­r nemamasiki.

“Asi zvakadaro, tinoyambir­a kuti denda iri harisati rapera saka vanhu ngavarambe vachiteved­zera zvose zvinodiwa sekupfeka mamasiki nekusaita chitsoko-tsoko. Ndinotenda­wo vanhu vakazvimir­ira nemakamban­i avo vari kubatsira muchirongw­a chekurwisa Covid-19 muno.

“Dunhu reBuhera rine vanhu vanodarika 300 000 saka zvinoda kuti tirambe tichiteved­za zvatinonzi nenyanzvi dzeutano tiite kuitira kupedza chirwere ichi,” vanodaro

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe