The Herald (Zimbabwe)

N’anga nemaporofi­ta vofundiswa zveCovid

-

VARAPI vechivanhu nevemachec­hi vari pasi pesangano reZimbabwe National Practioner­s Associatio­n ( ZINIPA) nemusi weChina wadarika vakadzidzi­swa nzira dzavangaba­tsire nadzo mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pamusangan­o wakaitirwa muguta reHarare, Sekuru Friday Chisanyu — avo vanova mutungamir­iri wesangano iri — vanoti varapi vechivanhu vari panyatwa yekutapuri­rwa kana kutapurira chirwere cheCovid-19 sezvo vachishand­a neveruzhin­ji.

“Kubvira pakatanga chirongwa che’lockdown’ mumwedzi waKurume, tanga tigere kudzimba zvekuti uno ndiwo musangano wedu wekutanga. Taona zvakakosha kuti tigoverane mashoko echirwere cheCovid-19 nekuti hachisati chapera munyika muno nokudaro chinofanir­a kudzivirir­wa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti, “Varapi vedu vazhinji havana ruzivo maringe nechirwere ichi, saka kana tikasavafu­ndisa tinenge tiri kuuraya nyika nekuti chikamu che80 percent chevarwere avo vanozoenda kuzvipatar­a nemakirini­ki vanenge vatombotan­ga nekuenda kumasowe kana kudzin’anga.”

Vanoti vanovapaku­rira nhengo dzavo dzidziso yavanowani­swa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana.

“Nhasi tafundisa varapi vedu nyaya dzeutsanan­a kuti vanofanira kugara vaine sipo kana masanitise­r mumatare kana pamasowe pavo kuitira kuti vose vanoda kubatsirwa vatange vageza maoko avo.

“Hatichaten­dera zvekare vanhu vanomhores­ana nen’anga kana nemaporofi­ta edu nemaoko asi kuti munhu anongoombe­ra ari kwaagere uye ari chinhambwe chemita,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanotizve kuungana kumakereke hakuchadiw­a nokudaro vanhu vanosungir­wa kuumba mapoka vachipanan­a zvijana zvekunonam­ata vari muhushoma.

“Mamasiki tinoti ngaapfekwe nekuti tava kuona vazhinji vachifamba vasina sezvinonzi Covid-19 yakapera. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana neveWorld Health Organisati­on havasati vazivisa kuti chirwere ichi chapera,” vanodaro.

Mbuya Joyce Nhambura, avo vanova murapi wechivanhu, vanoti misangano yerudzi urwu inovabatsi­ra neruzivo rwekuti vakwanise kuzvicheng­etedza mubasa ravo.

“Tinowanawo ruzivo rwekuzodzi­dzisa vanoda kushandirw­a nesu kana kutofundis­awo vamwe vanhu mun

haraunda dzatinogar­a vanenge vasina kupfeka semamasiki,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Peter Maponda vanoti kusaziva kwakafanan­a nekufa nokudaro dzidziso iyi ichavabats­ira mukuchenge­tedza upenyu hwavo nehwevavan­orapa.

“Ndadzidza kuti Covid- 19 haina rusarura, nokudaro kunyangwe uri n’anga huru kana muporofita mukuru, inokubata uye haisati yawanirwa mushonga. Saka vanhu vanofanira kutevedza mitemo nezvavanof­undiswa neveutano kuti vazvidzivi­rire,” vanodaro.

 ??  ?? Mbuya Nhambura
Mbuya Nhambura
 ??  ?? Sekuru Maponda
Sekuru Maponda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe