The Herald (Zimbabwe)

. . . vashandi veutano vari panjodzi – WHO

-

SANGANO reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti rinoshushi­kana zvakanyany­a kuti kunyangwe zvazvo vashandi veutano pasi rose vachisvika chikamu che3 percent pahuwandu hwevanhu, 14 percent vavo vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 uye izvi zviri kukonzerwa nekushaikw­a kwezvinodi­wa pakuita basa ravo zvinosanga­nisira mvura yakachena.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rapera vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerl­and — Dr Tedros Adhanom Ghebreyesu­s, avo vanova mukuru weWHO — vanoti kushaikwa kwezvekush­andisa pabasa nevashandi vezveutano kunoita kuti vave panjodzi yekubatira zvir were zvakasiyan­a izvo vanogona kutapurira kuvarwere.

“Vashandi vezveutano pasi rose vanosvika 3 percent pahuwandu hwevanhu asi vane chikamu che14 percent chevari kubatwa neCovid-19.

“Ruzivo rutsva rwuri kuburwa neUNICEF rwunoratid­za kuti panzvimbo imwe chete paina (4) dzinobatsi­rwa vanhu panyaya dzeutano hwavo pasi rose, dzinenge dzisina mvura yekushandi­sa. Izvi zvinoisa utano hwevashand­i vezveutano nevarwere panjodzi yekubatira zvirwere,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti kuuya kwechirwer­e cheCovid-19 kwakaita kuti vanhu vose vazive humhare hune vashandi vezveutano zuva nezuva nekuda kwebasa ravanoita. “Chimwe chezvishuv­iro zvikuru zveWHO ndechekuti vashandi veutano vawaniswe midziyo inovadzivi­rira pabasa. Tinovakuru­dzira zvakare kuti vageze maoko avo nguva nenguva vachishand­isa sanitizer kana kugeza maoko nesipo nemvura,” vanodaro.

Dr Te d r o s vanoti panyika 47 pasi rose, dzichakasa­rira panyaya yebudiriro yeupfumi, chidumbu chenzvimbo dzinobatsi­rwa vanhu panyaya dzeutano hadzina mvura yakachena yekushandi­sa izvo zvinoisa utano hwevashand­i vezveutano naverwere panjodzi. “Kuvharwa kwemukaha uyu ibasa rinofanirw­a kuitwa nechimbi-chimbi neWHO ichibatsir­ana neUNICEF uye nepasi rose.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti nyika 47 dzichakasa­ririra panyaya dzeburirir­o kuti dziwane mvura yakachena yekushandi­sa, nyaya dzehutsana­na uye nekuchenge­tedzwa kwemarara panzvimbo yakakodzer­a, panodiwa US$3,6 bhiriyoni pakati pemakore 2021 na2030,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe