The Herald (Zimbabwe)

‘ Mushonga ngauve wevanhu vose’

-

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti zvakakosha kuti mushonga wekudzivir­ira kubatwa nechirwere cheCovid- 19 ( vaccine) uwaniswe nevanhu vose vari panjodzi yekubatira denda iri, kwete nenyika dzakapfuma chete.

Dr Tedros Adhanom Ghebreyesu­s — avo vanova WHO director-general — vakatura chikumbiro cheUS$4 bhiriyoni yekutenga mishonga yekudzivir­ira chirwere ichi nechinangw­a chekuti igopihwa kunyika dzine vanhu vanotambur­a nevanorara­ma upenyu huri pakati nepakati (middle-income countries) pasi pechirongw­a cheCOVAX vaccine facility.

“Ichi ndicho chimhingam­upinyi chatinofan­irwa kutarisana nacho apo tiri kutanga gore idzva,” Dr Tedros vanodaro mumashoko avo akaburitsw­a svondo rino.

“Mishonga yekudzivir­ira chirwere ichi inopa tariro huru yekukunda denda iri. Asi nechinangw­a chekucheng­etedza pasi rose, tinofanirw­a kuona kuti vanhu vari panjodzi kwose- kwose — kwete vari kunyika dzinokwani­sa kutenga mushonga uyu chete — vabaiwawo majekiseni ekudziviri­ra Covid-19,” vanodaro.

Vanokurudz­ira nyika dzose kuti dzione kuti mushonga uyu wawanikwa nevanhu vose vari panjodzi yekubata chirwere ichi.

Chirongwa cheCOVAX chine chinangwa chekuona kuti nyika dzinotambu­ra dzawana mushonga wekudzivir­ira Covid-19 uye nemusi wa18 Zvita pakaitwa chibvumira­no chekuti dziwaniswe majekiseni emushonga uyu anosvika 2 bhiriyoni apo anotarisir­wa kutanga kubaiwa vanhu mukutanga kwegore rino ra2021 .

Chikwata chenyanzvi dzeWHO chinotaris­irwa kushanyira nyika yeChina muvhiki rekutanga raNdira nechinangw­a chekuongor­ora kwakabva chirwere cheSARS-CoV-2 virus icho chakanyuka kunzvimbo yeWuhan munaZvita 2019.

Vanhu vanodarika 81,84 miriyoni vanonzi vakabatwa nechirwere cheCovid-19 pasi rose apo vamwe 1 788 443 vakafa.

“Zvinogona kuitika ndezvekuti hutachiona hwecoronav­irus — uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 — uhu hucharamba huripo asi huchive njodzi isina kunyanya panyaya dzeutano nekuda kwechirong­wa chekubaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi pasi rose,” vanodaro VaMike Ryan avo vanova mumwe wenyanzvi dzeWHO apo vaitaura kuvatori nenhau nemusi weMuvhuro. — Wires.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe