The Herald (Zimbabwe)

Vafa: Zim inhamba 3

. . . South Africa iri pamusoro

- Tandayi Motsi

ZIMBABWE mudunhu reSADC iri pachinzvim­bo chechitatu pahuwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 apo kusvika nemusi weSvondo varwere 380 vakange vafa nedenda iri munyika yose.

Kusvika musi uyu — uyo wakafa vanhu vakawandis­a (774) pazuva rimwe chete kubva patanga Covid19 muno — vanhu 15 265 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenek­wa munyika muno apo 11 574 vakatopona.

Mashoko anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti South Africa ndiyo iri pamusoro nevanhu 27 071 vafa nechirwere ichi kubva pavarwere 1 088 889.

Zambia iri pechipiri nevanhu 20 997 vawanikwa vaine Covid-19 apo vamwe 384 vakafa.

Zambia yakangosiy­a Zimbabwe nevanhu vana bedzi pahuwandu hwevafa.

Namibia ine vanhu 24 545 vane denda iri ne193 vafa kozoti Eswatini (iyo yaimbonzi Swaziland) ine vanhu 9 482 vawanikwa vaine denda iri ne167 vafa.

Mozambique ine vanhu 18 794 vabatwa nechirwere ichi asi vafa ikoko i162.

Botswana ndiyo ine vanhu vashoma vafa neCovid-19 kusvika pari zvino vanove 40 kubva pavarwere 14 805.

Nyika dzine chitsama, kusanganis­ira South Africa, dziri kutora matanho akasimba ekurwisa denda iri.

Hurumende svondo rino yakasimbar­adza matanho ekuedza kurwisa kupararira kweCovid-19 zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Matanho aya anosangani­sira kuti veruzhinji vambogare kudzimba kwemazuva 30 ari kutevera (lockdown).

Vanhu vanokurudz­irwa zvakare kuti vapfeke mamasiki nemazvo kana vachienda pane ruzhinji.

Mutevedzer­i wemutungam­iri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantin­o Chiwenga vanokurudz­ira veruzhinji kuti vakoshese kutevedzer­a matanho akatarwa nechinangw­a chekurwisa kupararira kweCovid-19.

 ??  ?? VP Chiwenga
VP Chiwenga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe