The Herald (Zimbabwe)

‘Mushonga kugara mumba’

- Muchaneta Chimuka

DR AGNES MAHOMVA, avo vanova Chief Coordinato­r weCovid- 19 mumahofisi emutungami­ri wenyika nedare reCabinet, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e mitemo yakatarwa mukurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid- 19 kuburikidz­a nekugara kudzimba kwemazuva

30 akatarwa.

Izvi zvinotever­a matanho akatorwa neHurumend­e ekusimbara­dza kurwisa denda iri apo veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vagare kudzimba kwemazuva 30 anotevera.

“Mitemo mitsva yakaiswa neHurumend­e i ne chinang wa chekucheng­etedza utano neupenyu hwevanhu, saka zvakakosha kuti vanhu vambogara kudzimba sezvo nyaya dzechirwer­e cheCovid-19 dziri kuramba dzichiwand­a.

“Tiri kuona kuwanda kwevanhu kumizinda inovheneka chirwere cheCovid- 19 nekuti vazhinji vava kuda kuziva pavamire. Saka tiri kuda kuderedza huwandu hwevanhu kumizinda iyoyo tichikurud­zira zvekare kuti vanhu vagare kudzimba nekuti hazvibatsi­ri kuti vangovhene­kwa pasina zviratidzo kana fungidziro yechirwere ichi. Mushonga mukuru kugara kumba,” vanodaro. Kwayedza yakakuruku­ra nevamwe vanhu pamusoro pechirwere ichi avo vanopa mafungiro avo akasiyana. “Tinotenda zvikuru kuti Hurumende yedu yakazivisa nezvemitem­o mitsva yeLockdown kuti vanhu vambogara kudzimba kwemazuva 30 zvichiteve­ra kuwanda kwenyaya dzechirwer­e cheCovid-19. Asi dambudziko riripo nderekuti tiri muhari chaimo nekuti hatisi kuziva patimire nedenda iri. “Kudai Hurumende yangopindi­rawo mukubhadha­ra chimwe chikamu pamari inodiwa kuti munhu avhenekwe Covid- 19. Maraborita­ri nedzimwe nzvimbo dzinovhene­kwa vanhu Covid-19 vari kuda mari iri pakati peUS$ 60 neUS$ 70 iyo yatisingak­wanise zvachose,” vanodaro VaJosphat Mutema weKudzana 4, muHarare. Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Tendai Muuduri vekwaMutar­e vachiti zvakakosha kuti munhu avhenekwe kana achinge aine fungidziro yekuti ane Covid-19.

 ??  ?? Dr Mahomva
Dr Mahomva

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe