The Herald (Zimbabwe)

Vakwegura vakabatsir­wa neupfu

-

ANGANO rinorwira kodzero dzevakwegu­ra reShelter and Homage Trust nguva pfupi yadarika rakapa rubatsiro rweupfu kuvanhu vakwegura nevakarema­ra kuti vawane pekutangir­a, zvikuru sei munguva ino apo raramo yevazhinji yakavhirin­gwa nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Vachitaura pazuva rekutambid­zwa kwerubatsi­ro urwu muguta reHarare, Mai Bridget Mandizha vanova muvambi wesangano iri vanoti vakaremara nevakwegur­a vari panyatwa yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichiteve­ra nyaya yemamiriro eutano hwavo.

“Vanhu vakaremara nevakwegur­a miviri yavo haina kunyatsosi­mba kuti irwise zvimwe zvirwere zvinonyuka izvo zvinoita kuti vave panyatwa yekubatira Covid-19 kana zvichienza­niswa nemamwe mazera achakasimb­a. Takaona zvakakosha kuti tivabatsir­e neupfu kuti vawane chinobata ura munguva ino apo nyika iri kurwisana neCovid-19,” vanodaro.

Vanhu vakwegura, vanodaro Mai Mandizha, vakakosha zvikuru nekuti ndivo vane nhorowondo yehupenyu nekudaro vanofanira kuremekedz­wa.

“Vakwegura kazhinji vanotorwa sevasina maturo apo vanhu vanokangan­wa kuti vakakosha zvikuru muupenyu. Kazhinji, tinoona vachinoisw­a mumisha inochenget­wa vakwegura vachibva vangoita sevarasirw­ako pasina anonovaona. Ndiko kusaka tichikurud­zira kuti vachengetw­e mudzimba. Dzimba zhinji dziri kutungamir­irwa nevakwegur­a uye ndivo vari kuchengeta nherera saka vane mitoro yavari kutakura zvisinei nekuti vazhinji vavo havachasha­ndi nekudaro rutsigiro rwakadai rwunokosha,” vanodaro Mai Mandizha.

Vanoti sangano ravo rine zvirongwa zvakawanda zvavanotar­isira kuita nevakwegur­a, kusanganis­ira kuvafundis­a maringe nenyaya dzekuzvich­engetedza mukurwisa chirwere cheCovid-19.

“Tine tarisiro yekuti kana tikawana mari tivabatsir­ewo nemasaniti­zer, mamasiki nesipo nekuti zvinhu zvinotonet­sa kuti vazviwane,” vanodaro.

Mai Tendai Gowa (54) vekuMufako­se, muguta reHarare vanoti vanotenda zvikuru rubatsiro rweupfu nekuti vakanga vasina pekutangir­a.

“Ini ndine mwana akaremara saka ndinofara zvikuru nekuti ndawaniswa upfu, kumba kwanga kusina zvachose. Ndinongoch­ema kuti kudai paitawo vatsigiri vakawanda nekuti tine matambudzi­ko gumi nefararira uye hatina kana dzimwe nzira dzinotipa mari,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) nguva pfupi yadarika yakabudisa pachena kuti vakwegura vari panyatwa yekutapuri­rwa chirwere cheCovid-19 sezvo vasisina masoja akawanda emumuviri anobatsira mukurwiswa kwezvirwer­e uye vamwe vanenge vaine zvirwere zvakadai seBp, shuga negomarara zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvimwe zvirwere.

Vamwe vevakwegur­a vakabatsir­wa nesangano reShelter and Homage Trust nguva pfupi yadarika

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe