The Herald (Zimbabwe)

Hondo yacho ihuru: WHO

-

ANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti hazvisi nyore kurwisa chirwere cheCovid-19 asi kana pakave nekubatana kwenyika dzose, hondo iyi iri inokundika.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerl­and — Dr Tedros Adhanom Ghebreyesu­s, avo vanova mukuru weWHO — vanoti pari zvino nyika dzose dziri kumhanyidz­ana panyaya yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi, kuchengete­dza utano neupenyu hwevanhu.

“Tiri mumijaho yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi, kudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nacho, kuchengete­dza utano neupenyu hwevanhu nekuwanisa mushonga wekudzivir­ira (vaccines) kune avo vari panjodzi huru yekubatira denda iri.

“Izvi hazvizi nyore. Asi kana tikabatana tinokwanis­a kukunda mumijaho iyi, tokunda chirwere ichi,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti Covid-19 yakonzera matambudzi­ko makukutu pasi rose panyaya dzekucheng­etedzwa kweutano hwevanhu.

“Chirwere cheCovid-19 chatiratid­za zvakare kuti hutachiona hutsva hunoisa varwere vagara vachinetse­ka nezvimwe zvirwere panjodzi huru yerufu. Pamusoro pezvo, nyika dzine vanhu vakawanda vane zvimwe zvirwere zvinovatam­budza dzinosanga­na zvakare nekuomerwa kwakanyany­a panyaya yekuti vanhu vange vakachenge­tedzeka pautano hwavo,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti zvakakosha kuti nyika dzisimbara­dze nyaya dzeutano kuitira kuti kana pakanyuka zvirwere zvakadai seCovid-19 vanhu vose vanokwanis­a kubatsirik­a.

“Tapinda muchikamu chitsva chechirwer­e ichi, apo panoda kubatana kusati kwamboonek­wa. Kune dzimwe nyika vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari kuwanda zvikuru kusvika padanho rekuti zvipatara zviri kuzara nevarwere. Kune dzimwe nyika zvakare, zororo richangope­ra reKirisima­si

Dr Tedros neGoredzva uye kutonhora kwekunze, vanhu vakasangan­a mudzimba nedzimwe nzvimbo, izvo zvatinoziv­a kuti zvine njodzi uye zvichakonz­era mamiriro ezvinhu asina kunaka,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoti mhando itsva yeCovid-19 — iyo iri kupararira nekukasika — iri kuwedzera kuipa kwemamirir­o ezvinhu.

“Tinokurudz­ira nyika kuti dzisimbara­dze zvirongwa zvekuvhene­ka vanhu Covid-19 nechinangw­a chekuti dzizive mamiriro anenge akaita zvinhu. Izvi hazvisi nyore, kuchengete­dza upenyu, kuchengete­dza vashandi vezveutano uye kusimbarad­za nyaya dzeutano izvo zvinofanir­wa kutungamid­zwa mberi.”

Dr Tedros vanoendere­ra mberi: “Kuti tikwanise kumisa chirwere ichi, tinofanirw­a kuziva vanacho, tovabatsir­a pane zvinodiwa uye nekuti vakwanise kumbogara kwavo voga. Kuita izvi handi nyore, pane rwendo rwurefu rwunorwadz­a rwatinofan­irwa kufamba pamwechete.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe