The Herald (Zimbabwe)

‘Regai kungochema, asi kuti zvishandir­ei’

-

PANGUVA iyo veruzhinji vari kuita sevanochem­a- chema nekuda kwematanho akatorwa neHurumend­e ekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19, mumwe mudzimai anogara mumaAvenue­s, muguta reHarare, anoti bhizimisi rake rekuruka mhete nezvimwe riri kuendeka zvikuru apo ari kuzvishamb­adza pamadandem­udande sepaFacebo­ok neWhatsApp.

Bridget Mudota uyo aimbova mutori wenhau anoti hazvibatsi­re kuti veruzhinji vangochema nekuda kwematambu­dziko ari kukonzerwa neCovid- 19, asi kuti vatore mukana uyu kusimudzir­a mabhindauk­o avo.

“Ndakatanga bhizimusi iri mumwedzi waKurume 2018 uye ndinoruka midziyo yemicheno semhete, chuma chemuhuro, chemuchiun­o nemumakumb­o, pakati pezvimwe.

“Bhizimusi iri ndakaritan­ga mushure mekunge ndasiya basa kwandaisha­nda ndokuenda kunofundir­a basa iri kwezuva rimwe chete,” anodaro.

Mudota anoenderer­a mberi achiti, “Ndakatanga ndichiteng­esera vanhu kumachechi asi iko zvino ndava nemakasito­ma emuno neekunze kwenyika kubudiriki­dza nekushandi­sa ruzivo rwechizvin­o-zvino rwemasaisa­i mukushamba­dza basa rangu.

“Munguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba, handimboon­i shanduko yakanyanya nekuti basa rangu rinofamba zvikuru chero ndiri mumba zvekuti ndinotokar­uka kunze kwadoka ndiri mushishi kutunga chuma changu vanhu vanotenga vachingoda­idzira.”

Mudota anoti gore rapera pakanyuka chirwere cheCovid-19, upenyu hwakambomu­omera.

“Ndakambopi­nda panguva yakaoma apo vatengi vakanga vasisawani­kwe nyore nekuti vaitofanir­a kusvika kumba kuti vazoona zvinhu zvandinoga­dzira asi nekuda kwechirwer­e cheCovid-19, munhu wose aisungirwa kugara kumba kuti chisaparar­ire.

“Saka nguva ino yechikamu cheLevel Four cheLockdow­n, ndiri kutoshandi­sa mukana uyu mukugadzir­a mhete dzaka

Bridget Mudota wanda ndichizvis­hambadza paFacebook neWhatsApp nekuti zvakakosha pane kuti vanhu vauye kuzoona zvigadzirw­a zvangu.

“Ndinotora mifananidz­o nemavhidhi­yo vatengi vozvionera voga vachiita sarudzo vari kwavari ikoko uye pakutenga vamwe vanotumira mari nenzira dzechizvin­o-zvino asi kana vari pedyo vanouya nemari yemusvo.

“Kuno tinoshandi­sa masanitize­r kuti chirwere ichi chisatibat­e,” anodaro.

Zvisinei, anoti vakawanda vanoita mabhindauk­o emawoko raramo yavo inokangani­swa zvakanyaya nekuda kwezvirong­wa zvekuti vanhu vambogara kumba.

“Sevanhu vari mumabhizim­usi emawoko, tine tarisiro yekuti chirwere ichi kudai chapera, zvikuru kana tikaramba tichiteved­za zvinodiwa kuitira kuti bhizimusi rimwe nerimwe rifambe zvakanaka tichiwanaw­o mikana yekuenda kunzvimbo dziri pajekerere tichiratid­zira zvigadzirw­a zvedu.

“Panguva ino tiri mushishi kufundira zvitsva zvatiri kuonawo zvichiitwa nevari kune dzimwe nyika padandemut­ande,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe