The Herald (Zimbabwe)

Votyora mutemo we‘lockdown’

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 (lockdown) munzvimbo dzinosanga­nisira muguta reHarare pamwe nedhorobha reChitungw­iza zvichiteve­ra huwandu hwevanhu vari kuonekwa vachingomb­eya- mbeya munharaund­a dzavanogar­a izvo zvinopa mikana yakakura yekuparari­ra kwedenda iri.

Huwandu hwevanhu vari kupinda muguta reHarare huri kuratidza kuramba huchiwedze­ra.

Ongororo yaitwa neKwayedza muguta reHarare inoratidza kuti kunyangwe vamwe vanhu vanoshandi­ra makambani asina kupihwa mvumo yekushanda panguva yelockdown vava kupinda muguta vachiita mabasa avo zvechihwan­de-hwande kuitira kuti vasaonekwa nemapurisa.

Mabhazi edutaruzhi­nji eZUPCO ava kuzara zvekare zvekuti kunyangwe vashandi vane magwaro ari pamutemo vava kukundikan­a kufamba zvakanaka uye nenguva.

Vamwe ndivo vari kuonekwa vachitenge­sa zvinhu zvavo mumikoto nepamisuwo yezvitoro kusanganis­ira vatengesi vemaruwa avo dzimwe nguva vanotandan­iswa nemapurisa asi vachidzoka zvekare.

Kumusika weMbare, muHarare neJambanja iri kuChitungw­iza, vanhu ibesanwa vachitenge­sa nekutenga miriwo, matomatisi mbatya nezvimwe.

Vamwe ndivo vari kutengesa zvinhu vakaita zvekuberek­a kumusana kutira kuti vasaonekwe nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti kuwanda kuri kuita vanhu muguta reHarare kunogona kunge kuri kukonzerwa nekuti kune vemamwe makambani vakabvumir­wa kushanda.

“Hakuna shanduko yati yaziviswa kana takatarisa chirongwa chelockdow­n asi kuti pamwe kune vanhu vanogona kunge vakawanisw­a matsamba kubva kubazi rakanzi ripe magwaro ekufambisa.

“Tichaita ongororo kubva kubazi rinoona nezvekupih­wa kwematsamb­a aya tione kuti magwaro ari kufamba nevanhu ndeechokwa­di here.

“Kunyangwe vacho vari kufamba nemabhazi vari kumiswa nemapurisa vachinzi varatidze matsamba avo ekufambisa asi nhinhi hadzizosha­ikwe, saka tiri kuita ongororo,” vanodaro Assistant Comm Nyathi.

 ??  ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe