The Herald (Zimbabwe)

38 vafa zuva rimwe chete

- Tandayi Motsi

VANHU 38 vakafa muZimbabwe nechirwere cheCovid-19 nemusi weChitatu svondo rino bedzi hunove huwandu hwakanyany­a kukwira hwevanhu vashaika muzuva rimwe chete kubvira pakatanga denda iri munaKurume wegore rapera.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vanoda kusvika vaviri vari kufa paawa rega-rega munyika muno neCovid-19.

Mashoko ebazi rezveutano nekurerwa kwevana emusi uyu anoratidza kuti varwere 589 vakange vafa nechirwere ichi nyika yose.

Vanhu 24 256 vange vawanikwa zvakare vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid- 19 munyika yose mushure mekunge vavhenekwa.

“Kusvika nemusi wa13 Ndira 2021, Zimbabwe yange yave nevanhu 24 256 vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa apo 13 658 vakatopona asi vamwe 589 ndokufa,” rinodaro bazi iri.

Vanhu vakawanikw­a vaine denda iri musi uyu bedzi vanosvika 1 017 munyika yose.

Vanhu vakawanda vafa neCovid-19 pazuva rimwe chete nguva yadarika i34 avo vakashaya musi wa6 Ndira.

Hurumende iri kuramba ichisimbar­adza matanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Munguva pfupi iri kutevera, vashandi vezveutano vachange vave kushanda pamwe chete nepamurisa nevamwe vabati vezvemutem­o mumigwagwa apo vanenge vachipa chenjedzo pamusoro pechirwere ichi nekuongoro­ra vafambi Covid-19.

Danho iri rinotarisi­rwa kubatsira mukudzikis­a kupararira kwechirwer­e chisati chawanirwa mushonga wekuchirap­a pasi rose ichi.

Vashandi vezveutano vanenge vari pamarodhib­huruko aya, vachapihwa masimba ekuti vanhu vavanoona vaine zviratidzo zvakarerek­era kuchirwere cheCovid-19 vaende vanoongoro­rwa pamwe chete nekuvhenek­wa zvakare.

Vachange vachiyambi­ra zvakare vabati vezvemutem­o kuti vasabvumid­ze vanhu vakadai kuenderera mberi nenzendo dzavo.

Matanho matsva aya akaziviswa nemutevedz­eri wasachigar­o weAd-Hoc Inter-Ministeria­l Taskforce on Covid-19

— Professor Amon Murwira — nemusi weChitatu muguta reHarare apo vaitaura kuvatori venhau.

“Tawirirana kuti kuchengete­dzwa kwemutemo kunofanirw­a kusanganis­ira kupa chenjedzo pamusoro pechirwere ichi uye kuongororw­a kwevanofam­ba.

“Pane dzimwe nzvimbo dzatichato­tumira vanachirem­ba kuti vaongorore vanhu vanenge vari mudzimotok­ari kuti vaonekwe kuti havana zvipomerwa here maringe nechirwere cheCovid-19.

“Magwaro (anopihwa vanhu semvumo yekuti vakwanise kufamba panguva yelockdown) haaratidze kuti une chirwere cheCovid-19 here kana kuti hauna. Saka tiri kusimbarad­za kushanda kwepamarod­hibhuruko uye achange akawanda zvakare. Zvose izvi zviri kuitwa mumweya wakanaka wekuda kuchengete­dza upenyu hwevanhu vemuZimbab­we,” vanodaro Prof Murwira.

 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe