The Herald (Zimbabwe)

Shirikadzi yorera nherera 20

- Kingstone Mapupu

MBUYA vanova shirikadzi vekuRuwa vari kubatsira vana nherera nevanomber­ereka mumigwagwa nekuvawani­sa pekugara pamba pavo vachivaend­esa kuchikoro panguva ino nyika iri kurwisa Covid-19.

Mbuya Peggy Chiware (70) vanogara kuOld Winsor Park, vesangano reKingdom Worship Trust kana kuti Pavandudzo Place of Safety, pari zvino vari kuchengeta vana vanosvika 20 pamba pavo.

VaEnock Rubingo (58), avo vanova sachigaro wesangano iri, vanoti donzvo ravo nderekusim­udzira upenyu hwevana nherera nevamwe vanotambur­a.

“Ino inguva yakaoma zvikuru yekurwisa denda reCovid-19, asi Gogo Chiware vakati havadi kuona mwana anotambura kunyangwe zvakaoma kudai. Vari kuchengeta vana 20 pamba pavo, vazhinji vavo vanova nherera nevamwe vatinonhon­ga mumigwagwa nevanotamb­urawo kudzimba dzavo,” vanodaro VaRubingo.

Vanoti vana ava vanombowan­da kusvika makumi matatu kana kudarika.

“Sangano redu rinobatsir­a vana ava nepekugara, nechikafu nekuvaende­sa kuchikoro kubva Zero Grade kusvika Form 6 kana kuyunivhes­iti.

“Tine vamwe vatakatora kuBorrowda­le Squatter Camp taenda tichida kuvapa chikafu ndokuwana zvinyeda zvavo zvakapwany­iwa nemvura,” vanodaro VaRubingo.

Vanoti nekuda kwedenda reCovid-19, vamwe vevana ava vanodzidzi­ra pamba apa vachibatsi­rwa nemudzidzi­si.

“Tine hurongwa hwekutsvag­a mumwe mudzidzisi kuti vaite vaviri avo vanobhadha­rwa. Kune zvimwe zvikoro zvakatora vamwe vana pachena uko vanongodzi­dza pasina kubhadhara mari vachingoda mabhuku nemayunifo­mu bedzi.

“Tinotenda vemachechi akaita seSeventh Day Adventist, Roman Catholic, AFM, Methodist, Presbyteri­an, Christ Embassy neveEvange­lical Fellowship nekutibats­ira kwavari kuita,” vanodaro VaRubingo.

Kune vanoda kubatsiraw­o sangano iri vanoridza nhare dzinoti 0773 434 090 kana 0773 971 380.

 ??  ?? Vamwe venana vari kuchengetw­a nesangano reKingdom Worship Trust
Vamwe venana vari kuchengetw­a nesangano reKingdom Worship Trust

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe