The Herald (Zimbabwe)

‘Vane HIV dzivirirwa­i kudenda reCovid-19’

- Muchaneta Chimuka — —

VANHU vanorarama neutachion­a hweHIV nezvimwe zvirwere zvisina zviratidzo zviri pachena seBP necheshuga vari kukurudzir­wa kuti vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 sezvo vari panyatwa yekurwara zvakanyany­a kana kurasikirw­a neupenyu kana zvichienza­niswa nevane utano hwakanaka.

Kwayedza inokurukur­a naMai Kasirori Johana Farayi vanova mumwe wevanorara­ma neutachion­a hweHIV avo vakazvipir­a kunobaiwa jekiseni rekudzivir­ira Covid19 nechinangw­a chekungete­dza upenyu hwavo nehwevamwe.

Mai Farayi vanoshanda zvakare semunyori kusangano rePan African Positive Women’s Coalition-Zimbabwe (PAPWC-ZIM) iro rinotungam­iririrwa naMuzvare Tendai Westerhoff.

Sangano iri rakanangan­a nekutsigir­a madzimai nevanasika­na vanorarama nehutachio­na hweHIV munyaya dzemutemo, budiriro nemabhizim­isi, pakati pezvimwe.

Muzvare Westerhoff avo vanova zvakare nhengo yebhodhi reNational AIDS Council vakabaiwaw­o jekiseni rekudzivir­ira Covid-19 nguva pfupi yadarika.

“Ini ndakaenda kunobaiwa jekiseni rekudzivir­ira Covid-19 kwete nekumaniki­dzirwa, asi nekuda kwangu. Ndakakurud­zirwa kutora danho iri nachiremba wangu mushure mekunzwa nezvechiro­ngwa chekubaiwa ichi panhepfeny­uro nekuti handisi munhu uya anoita zvemanzwir­a-nzwira,” vanodaro.

Mai Farayi vanoendere­ra mberi vachiti, “Hongu, ndisati ndabaiwa ndakambosh­ungurudzik­ana mupfungwa nekuda kwemamwe mashoko uye mavhidhiyo aitendered­zwa sepamaWhat­sApp, vachitaura nezvekuipa kwemajekis­eni aya asi pandakaita tsvakurudz­o ndipo pandakadzi­dza kuti kune vamwe vanhu vanongotau­ra kunyangwe nekwavasin­a kuswera.

“Pari zvino ndatodarik­a svondo ndabaiwa uye hapana kurwara kwandiri kunzwa.

“Mabasa angu epamba ndiri kuita, kubasa kwangu kwandinofu­ndisa ndiri kungoona zvose zvichiende­ka. Ndiri kutonzwa kugwinya uye mishonga yangu yeHIV ndiri kutora zuva nezuva,” vanodaro.

Mugore ra2008, mudzimai uyu akahwinha mubairo mukuru wekurwisa chirwere cheHIV mumakwikwi eAuxillia Chimusoro Awards.

“Ndinoti kuvanhu vane HIV nevasina zvimwe zvirwere sarudzo ndeyenyu, majekiseni aya akanaka zvikuru nekuti kubaiwa kweveruzhi­nji kudzivirir­wa kwenyika sezvo kana vanhu vakawanda vakabaiwa zvinoreva kuti vazhinji vachadzivi­rirwa nyika yokunda denda iri,” vanodaro Mai Farayi.

 ??  ?? Mai Kasirori Johana Farayi
Mai Kasirori Johana Farayi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe