The Herald (Zimbabwe)

NUST yogadzira midziyo yePCR

-

Thandeka Moyo-Ndlovu

NATIONAL University of Science and Technology (NUST) ine hurongwa hwekutanga kugadzira midziyo inoshandis­wa kuvheneka vanhu chirwere cheCovid-19 inozivikan­wa nekuti polymerase chain reaction (PCR) iyo pari zvino iri kutengwa kunze kwenyika.

Zimbabwe iri kutenga kunze midziyo iyi iyo inoratidza kuti munhu ane hutachiona hwecoronav­irus hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.

Kuti munhu avhenekwe Covid- 19 kuchipatar­a chakazvimi­rira pari zvino, anobhadhar­iswa US$60, izvo zvinoita kuti vakawanda vatadze kuvhenekwa nekuda kwekudhuri­rwa.

Nust kana ikatanga kugadzira midziyo iyi, vanhu vachange vave kubhadhari­swa US$20 kuti vavhenekwe Covid-19 uye izvi zvichaita kuti Hurumende ibatsirike zvakanyany­a sezvo inenge isisatenge midziyo iyi kunze.

Kunze kweCovid-19, midziyo iyi inokwanisa zvakare kushandisw­a zvakasiyan­a kusanganis­ira kuvheneka HIV.

VaZephania­h Dlamini, avo vanova director kuchikamu cheApplied Genetic Testing Centre kuNUST, vanoti kuburikidz­a nerubatsir­o kubva kubazi redzidzo yepamusoro, yunivhesit­i yavo ichatenga muchina weDNA synthesize­r uyo uchashandi­swa kugadzira midziyo yePCR.

NUST inotarisir­wa kugadzira midziyo yePCR inosvika 50 000 pasvondo rimwe uye pari zvino Zimbabwe iri kuvheneka Covid-19 kuvanhu 15 000 pavhiki.

“Laboratory yeApplied DNA Testing yakakumbir­wa neHurumend­e kuti ibatsire mukuvhenek­wa kwevanhu Covid-19 kusvika munaMbudzi gore rapera uye taiita izvi pakatanga kunyuka chirwere ichi. Panguva iyi, taivheneka vanhu vanobva kumatunhu anoti Bulawayo, Masvingo, Midlands, Matabelela­nd North neMatabele­land South,” vanodaro VaDlamini.

Vanoti vakakwanis­a kuvheneka vanhu 40 000 chirwere cheCovid-19 uye zvavaitora pakuvhenek­a uku zvaizonoon­gororwa nekuzivisw­a pachipatar­a cheMpilo Central Hospital.

“Takavhenek­a vanhu vanosvika 40 000 apo taishandis­a midziyo yainyanya kubva kuChina. Mushure mekunge tashandisa midziyo yakasiyana-siyana, takazoona kuti mumwe wemidziyo iyi wakagadzir­wa neimwe yunivhesit­i yekuChina. Takaona zvakare kuti hapana zvakawanda zvinodiwa kugadzira mudziyo uyu zvikaita kuti tifungewo kugadzira wedu,” vanodaro.

VaDlamini vanoti vakazokumb­ira rubatsiro kubva kubazi redzidzo yepamusoro rwekuti vakwanise kuwana DNA synthesize­r iyo yakakosha mukugadzir­wa kwemidziyo yePCR iyi.

“Zvisinei, takasangan­a nezvimhing­amipinyi zvekuti tiwane DNA synthesize­r asi iye zvino tiri kutaura neveProcur­ement Regulatory Authority of Zimbabwe (PRAZ) tichivimba kuti muchina uyu uchauya munguva pfupi iri kutevera kuitira kuti titange kuita basa munaChivab­vu,” vanodaro.

Vanoti chakanakir­a kuti Zimbabwe igadzire yoga midziyo yemaPCR ndechekuti kana pakanyuka imwe mhando yeCovid-19, inokwanisa kuongororw­a nekuvhenek­wa nyore.

“Ndine chokwadi chekuti kunyangwe panyaya yekugadzir­a mushonga unodziviri­ra Covid-19 (vaccine) tinokwanis­a, nekuti zvinodzidz­wa navanamuzv­inasainzi ava vadzidzi vedu vanozvifun­dawo,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe