The Herald (Zimbabwe)

Fodya yotanga kutengeswa

- Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZER­I wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekugarisw­a kwevanhu kumaruwa — VaVangelis Haritatos — vanoti vari kugutsikan­a negadzirir­o yaitwa yekudzivir­ira kutapurira­nwa kwechirwer­e cheCovid-19 kumisika inotengesw­a fodya iyo iri kuvhurwa neChitatu chino.

Mwaka wekutenges­wa kwefodya uri kutarisirw­a kuvhurwa nhasi apo chirimwa chinotenge­swa pasi pemakondir­akiti chichazota­nga kutengeswa nemusi wa8 Kubvumbi.

“Pakumema kwatakaita misika inotengese­rwa fodya seZimbabwe Leaf Tobacco, Tobacco Sales Floor neTianZe, takaona kuti gadziriro dzasvika kwamvura yacheka makumbo uye mitemo yose yakatarwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) yakatevedz­wa zviri maringe nekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Vemisika i notengeswa fodya vakatizivi­sa kuti vari kukurudzir­a vashandi vavo kuti vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi uye varimi havasi kuzotender­wa kupinda mukati memumisika vakawanda kuitira kuti chirwere ichi chisatapur­iranwe kana kupararira,” vanodaro VaHaritato­s mushure mekumema misika iyi svondo rapera.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndinofara zvikuru nezvandaon­a kumisika yedu yefodya, tinovimba varimi vachatenge­sa fodya yavo zvakanaka vachibatsi­rawo mukutevedz­a mitemo yakatarwa.”

Pamisuwo yose yemisika inotengese­rwa fodya pakaiswa michina inofirita varimi nevamwe vanopinda mumisika iyi nemushonga unouraya hutachiona ( sanitizati­on booths). Varimi havasi kuzobvumid­zwa kupinda mumisika iyi nehuwandu sezvo murimi bedzi anenge achitenges­a fodya ari iye ane mvumo yekusvika pamusika otengesa achibva adzokera zuva rimwe chetero apo mari yake inozosara ichitumirw­a kubhangi.

Gwaro rakaburits­wa nesangano rinomirira varimi, reZimbabwe Tobacco Associatio­n, rinoti goho refodya mwaka uno rakati derereri zvisinei nekuti varimi vakawanda vachange vaine fodya ine hunaku hwemhando yepamusoro. Kuderera kwefodya uku kunonzi kwakakonze­rwa nekuwanda kwemvura yekunaya mwaka uno.

Chirimwa chefodya ndicho chiri pamberi mukuunza mari yekunze munyika uye varimi vakawanda vari kupunduka nekuda kwacho.

 ??  ?? VaVangelis Haritatos
VaVangelis Haritatos

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe