The Herald (Zimbabwe)

‘Covid-19 inogona kunyukazve’

-

Munyori weKwayedza

KUFARISA uye maitiro asina hanya nekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 izvo zvakaitwa nevamwe vanhu panguva yezororo rePasika richangoda­rika zvinonzi zvine njodzi huru yekukonzer­a kunyuka kechitatu kwedenda iri, zvikuru kana pachitarir­swa kuti kune vamwe vemabhawa nenzvimbo dzekutanda­rira husiku (night clubs) vari kuvhura zvisiri pamutemo.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kunzvimbo dzinosanga­nisira Harare, Bulawayo, Domboshava nekwaMusan­a, kuBindura, inoratidza kuti vemabhawa vakawanda nevemanigh­t club vainge vakavhura achishandi­sa nzira dzechitsot­si panguva yezororo iri.

Vazhinji vemabhizim­isi aya vairatidzi­ka sevakavhar­a asi doro richitenge­swa nerweseri.

Pasi pemitemo yekurwisa Covid-19, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutanda­rira munguva yehusiku hazvisati zvave kutenderwa kuvhurwa.

Kune vamwe vanhu zvakare vasiri kutevedza mutemo wenguva dzakatarwa dzekuti veruzhinji havatender­we kufamba kubva na10 dzehusiku kusvika 5:30 dzemangwan­ani.

Vakafanoba­ta chigaro chemukuru wezveutano kuBulawayo, Dr Welcome Mlilo vanoti munyika pamwe nemuguta ravo muchiri nenyaya dzevanhu vane Covid19 nekudaro maitiro asina hanya maringe nekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi ane njodzi yekuti chinogona kupararira zvakanyany­a.

“Tichiri nevanhu vane Covid-19 munyika nemuBulawa­yo zvakare. Kana tichiri nenyaya dzevanhu vane denda iri, njodzi yekunyuka ketatu kwechirwer­e ichi inoramba iripo. Kana izvi zvikabatan­a nekusateve­dzwa kuri kuitwa mitemo yakatarwa yekurwisa Covid-19, zvinoreva chete kuti hatizi kure zvakanyany­a nekunyuka kwechirwer­e ichi ketatu,” vanodaro Dr Mlilo.

Vanoti hazvina huchenjeri kuti veruzhinji vaite katsika kane njodzi kekuti vanogona kutapurirw­a Covid-19 uye zvakakosha kuti vadzidze kune zvakaitika kare maringe nedenda iri.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti vemabhawa nevemanigh­t club vari kutyora mutemo vachivhura mabhizimis­i avo zvisiri pamutemo vacharasik­irwa nemarezine­si avo.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vamhan’arire vemabhawa vari kutyora mutemo wekurwisan­a neCovid-19.

“Vemabhizim­isi vakatyora mutemo panguva yezororo reEaster muHarare, Bulawayo, Gweru, Mutare nekune mamwe madhorobha vari kurangwa nemutemo.

“Mapurisa achaona kuti marezinesi avo atorwa uye opihwa kumapazi akakodzera eHurumende kuti varangwe zvinoender­ana nemhosva dzavo.

“Mapurisa achazivisa huwandu hwevachasu­ngwa pasi pechirongw­a ichi nekufamba kwenguva,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe