The Herald (Zimbabwe)

‘ Toti suweji apa kune chirwere’

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzavanhu dzekuwanis­wa mvura yakachena, reCommunit­y Water Alliance ( CWA), svondo rapera rakaparura chirongwa chinodaidz­wa kuti #TsimbaDzeU­tano/InyatheloL­okuhlanzek­a Campaign munzvimbo yeMabvuku neTafara, muguta reHarare, mushure mekutambir­a zvinyunyut­o kubva kune veruzhinji nedambudzi­ko rekuputika kwepombi dzinofambi­sa tsvina uye kushaikwa kwemvura ikoko.

Vagari ava vari kushunguru­dzika zvakanyany­a zvichiteve­ra kutushuka kuri kuita suweji munzvimbo dzavagere, kunyanya kuWard 19.

Mamwe mawadhi ane dambudziko iri anosangani­sira 20 ne21 kuChizhanj­e.

Dambudziko resuweji iri ratova nemwedzi yakati kuti risina kugadziris­wa zvisinei nekuti veruzhinji veko vari kuti vakaendesa zvichemo zvavo kumahofisi ekanzuru eMabvuku neTafara District Offices. Kwayedza payakashan­yira nzvimbo idzi pamwe nechikwata cheCWA yakadzidza kuti kune nyaya dzakawanda dzezvirwer­e zvemanyoka zvichikonz­erwa nekushaikw­a kweutsanan­a.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Jesca Chinga vachiti suweji yavashungu­rudza zvikuru.

“Svondo rapera chairo tine mwana akawira musuweji akanwa tsvina yaivemo akatozonyu­rurwa nevanhu vaipfuura zvekuti angadai akafiramo.

“Dzimwe nzvimbo dziri muno muMabvuku neTafara dzatova nemakore anodarika matatu dzisina mvura yemupombi zvekuti kana ikatoonekw­a ichibuda chinenge chichitori chishamiso. Tiri kupona nemvura dzemumatsi­me nezvibhora­ni zvisina kuchengete­dzeka.

“Tinotenda vatsigiri vari kutiwanisa mapiritsi ekuisa mvura nekuti tanzwa nemanyoka,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vane hurongwa hwekugadzi­risa dambudziko iri.

“Dambudziko iroro tiri kuriziva uye tine hurongwa hwekutuma vashandi vedu kuti vanogadzir­isa masuweji ari kuyerera muMabvuku neTafara. Gore rino takaita dambudziko rekuwanda kwemvura iro riri kuita kuti nzvimbo dzinosviki­ra tsvina yesuweji dzizare dzichipedz­isira dzava kupfachuki­ra munharaund­a,” vanodaro.

VaChristop­her Gohori, avo vanova mukushi wemashoko kuCWA, vanoti vakasvitsa chichemo ichi kukanzuru yeHarare kuti itore matanho.

“Mushure mekuita ongororo yematambud­ziko ekushaikwa kwemvura uye kutushuka kwemasuwej­i munzvimbo yeMabvuku neTafara, takaburits­a gwaro rinoratidz­a hudzamhu hwedambudz­iko iri, iro tinodaidzw­a kuti ‘Burst Birth Certificat­e’ rinoratidz­a kubvira pakatanga dambudziko kusvika pazuva rarinozoga­dziriswa. Izvi zvinoita kuti vemakanzur­u vasarare basa uye rinomira seumbowo kana veruzhinji vachinge vachida kuzotora matanho angava ekusungisa kanzuru pakushaya hanya navo,” vanodaro VaGohori.

Vanoti vamwe vagari veko vari kuwaniswaw­o mvura pachena nechechi yeLater Day Saints iri munzvimbo iyi mushure mekunge yavacherer­a chibhorani.

Zvichakada­i, sangano reCWA rine hurongwa hwekuchera zvibhorani zvakawanda munzvimbo iyi richishand­a nevamwe vatsigiri varo pamwe nekuona kuti nyaya dzekutushu­ka kwesuweji dzagadziri­swa nenguva senzira yekuderedz­a kunyuka kwezvirwer­e.

 ??  ?? Suweji iri kungoyerer­a kuMabvuku
Suweji iri kungoyerer­a kuMabvuku

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe