The Herald (Zimbabwe)

Majekiseni ava pedyo nevanhu

-

Muchaneta Chimuka

VAMWE vagari vemuguta reHarare vari kupembedza danho rakatorwa nekanzuru rekuti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 chipararir­e neguta iri vachiti izvi zviri kubatsira mukuderedz­a kudhurirwa pakufamba uye kuungana kwevanhu.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vakazivisa nezvemakir­iniki nezvipatar­a zviri munharaund­a dzakasiyan­a muguta reHarare uko veruzhinji vanokwanis­a kuenda kunobaiwa majekiseni aya.

“Takatora danho rekuti vanhu vakwanise kunobaiwa majekiseni vari munzvimbo dzavo kuitira kuti tideredze dambudziko rekuungana kwaiita vanhu muzvipatar­a zvishoma zvaipa rubatsiro urwu pachena. Tinovimba vanhu vachaenda kunobaiwa vachiteved­za matanho ose akatarwa nesangano reWorld Health Organisati­on sekuregedz­a kuungana, kupfeka mamasiki avo nekugeza maoko nguva nenguva kuti tirwise chirwere cheCovid-19.

“Tinovimba kana t i kabatana tichakunda denda iri,” vanodaro VaChideme.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tine nhamba dzehotline idzo vanhu vanokwanis­a kutiridzir­a dzinoti 0242-774141-3 kana 0242- 753330- 2. Tinokurudz­ira vanhu vose vane makore 18 zvichienda kumberi kuti vashandise mukana uyu vaende kunobaiwa kusanganis­ira vashandi vepamberi, vakwegura, vane zvirwere zvinoda kugara zvichirapw­a nguva nenguva, vashandi vemuzvikor­o uye vanoona nezvekuche­ngetedzwa kwenyika.

“Nzvimbo idzi dzichange dzakavhurw­a nguva dzinotangw­a nekupedzwa mabasa kusanganis­ira pakati pemazuva uye pamazuva ezororo.”

Vamwe vagari vemuHarare vakaita hurukuro neKwayedza vanorumbid­za zvikuru danho rakatorwa nekanzuru iri.

“Nekukwira kuri kuita mafuta ezvekufamb­isa, ndinovimba kuti zvichatire­rukira, vazhinji vari kutofamba netsoka kuenda pamakirini­ki avo kunobaiwa,” anodaro Edinah Zibwowa wekuWaterf­alls.

Muzvare Tendai Gwarazimba vekuSunnin­gdale 2 anoti kubairwa majekiseni pamakirini­ki ari padyo kwakakosha nekuti munhu anogona kufambira zvakawanda panguva imwe chete sekurapwa zvimwe zvirwere obva abaiwa zvekare.

Zvipatara nemakirini­ki makumi maviri nezvina izvo veruzhinji vanogona kunobaiwa ndezvinote­vera: Parirenyat­wa Central Hospital, Mbare Polyclinic, Sunningdal­e Satellite, Hatfield Satellite, Highfields Polyclinic, Southerton Satellite neMufakose Polyclinic.

Zvimwe ndezvinoti Kuwadzana Satellite, Kuwadzana Polyclinic, Warren Park Polyclinic, Kambuzuma Polyclinic, Malbereign Satellite, Marlboroug­h Satellite, Avondale Satellite, Belvedere Satellite, Mt Pleasant Satellite, Hatfield Polyclinic, Borrowdale Satellite, Highlands FHS, Mabvuku Satellite, Greendale FHS, Eastlea FHS, Wilkins Hospital uye Sally Mugabe Central Hospital.

 ??  ?? VaMichael Chideme
VaMichael Chideme

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe