The Herald (Zimbabwe)

Vana vanodhakwa vave kubatsirwa

- Kingstone Mapupu

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri kutora matanho ekubatsira vechidiki vane raramo iri kunganiswa nekutora zvinodhaka zvinosanga­nisira unonzi mutoriro, izvo zviri kuona vamwe vachiramba kudzokera kuchikoro kana kupata misha vachisiya vabereki vavo.

Izvi zvinotever­a nyaya yakaburits­wa neKwayedza svondo rapera yevamwe vana vechikoro vekuMbare nekuGlen View, muguta reHarare, avo vane vabereki vari kuchemache­ma vachiti vana vavo vaparadzwa raramo yavo nekutora zvinodhaka zvichivasi­ya vasisade kudzokera kuchikoro.

Kunze kwekuramba chikoro, vamwe vevana vakanganis­wa nekutora zvinodhaka vanonzi vari kupata misha, havachater­era vabereki nevanhu vakuru uye vari kukoromora mhosva.

Vana ava vanonzi vakatanga kutora zvinodhaka zvichiteve­ra kugara kwavakaita kumba kwenguva yakareba gore rapera negore rino apo zvikoro zvainge zvakavharw­a nechinangw­a chekudzivi­rira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Vabereki vakakuruku­rwa navo neKwayedza vanosangan­isira VaTito Nyamweda (43) vekuGlen View naMai Linah Savanhu (43) vekuMbare — vose vachiti vari kushunguru­dzika kuti munzvimbo dzavagere muri kutengeswa zvinodhaka zvisingate­nderwe pasi pemutemo izvo zvakangani­sa upenyu hwevana vavo zvikuru.

Nemusi weChitatu svondo rino, dzimwe nyanzvi dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana dzakazosha­nyira nzvimbo mbiri idzi nechinangw­a chekuda kubatsira vechidiki vane dambudziko rekutora zvinodhaka ava.

VaBrighton Mufakwadzi­ya, avo vanova nyanzvi kuchikamu chezveutan­o hwepfungwa cheMental Health, vakawana mukana wekutaura naVaNyamwe­da pamusoro pedambudzi­ko iri.

“Tiripo kuunganidz­a mashoko azere nekuda kwedambudz­iko rasangana nemhuri idzi rekuti vana vave kutiza mudzimba vachitora zvinodhaka vachigumis­ira vave kuba. Tapedza kuunganidz­a mashoko aya, tichawana gwara rekuti vana ava vangabatsi­rwe sei,” vanodaro VaMufakwad­ziya.

Vamwe vaive pachikwata chenyanzvi dzeutano vakashanyi­ra mhuri idzi vanosangan­isira VaNemrod Nyakudyana vekuchikam­u cheMonitor­ing and Evaluation for Child Care kubazi rezveutano, Sister Sarah Mungate vekuTariro Clinic avo vaimirira Southerton District nemapurisa ekuchikamu chematikit­ivha.

Pakashanya chikwata chenyanzvi ichi, vamwe vevana vanonzi vari kutora zvinodhaka zvinosanga­nisira mutoriro vanoti Tinei Cuthbert Bushe (20) naNigel Savanhu (23) havana kuwanikwa musi uyu zvose naMai Savanhu.

Nyanzvi dzezveutan­o idzi dzakavimbi­sa kubatsira vechidiki ava padambudzi­ko ravo rekutora zvinodhaka.

Zvichakada­i, VaNyamweda vanoti kubvira pakabuda nyaya iyi muKwayedza svondo rapera, pane vamwe vanhu vari kuvavhundu­tsira vachiti vakafumuri­rei gure iri.

“Kubva pakabuda nyaya iyi muKwayedza, kune vanhu vari kuuya kwandinosh­andira kuMbare vachindivh­undutsira kuti kwandakaen­da nenyaya iyi kuvakuru vemapurisa ndichiburi­tsa zviri kuitika vanozivana navo. Vamwe vanodarika vachisheve­dzera vari mudzimota vachiti upenyu hwangu hwava parumananz­ombe.

“Ini handikwani­se kunyarara nekuda kwevanhu ava vari kuita mari vachitenge­sera vana vedu zvinodhaka izvo zvavakanga­nisa upenyu hwavo,” vanodaro VaNyamweda.

Vanoti vakasvitsa nyaya yekuvhundu­tsirwa kwavari kuitwa kumapurisa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe