The Herald (Zimbabwe)

‘Vaimbi tsvagaiwo zvimwe zvekuita’

- Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitend­ero — Matildah Tekeshe — ari kukurudzir­a vamwe vaimbi kuti vadzidzire kushandisa maoko senzira yekutsvaga kurarama zvichiteve­ra kukanganis­wa kwakaitwa mabasa avo nechirwere cheCovid-19.

Upenyu hwevaimbi vazhinji hwakadzose­rwa kumashure nekuuya kweCovid- 19 sezvo vairaramis­wa nekuita mashoo ayo akamiswa kubvira munaKurume wegore rapera nechinangw­a chekudzivi­rira kupararira kwedenda iri.

Izvi zviri kuona vaimbi vakawanda vachikwang­waya sezvo vasina mamwe mabhindauk­o anokwanisa kuvapa raramo.

Tekeshe — uyo anogara kunyika yeUnited Kingdom — anoti hazvibatsi­re kuti vaimbi vangochema nekuda kweCovid- 19 asi kuti ngavatsvag­e mabhindauk­o anovararam­isa nemhuri dzavo.

“Nguva yatave kurarama iye zvino, zvinhu zvakatosha­nduka kusiyana nakare nekuti tave kurarama munguva yeCovid-19 iyo yamisa zvinhu zvakawandi­sa uye ikakangani­sa upenyu hweveruzhi­nji.

“Isu vaimbi takanganis­wawo nekuti hatichabvu­midzwa kuridza kumashoo sezvo zvisiri kutenderwa kuti vanhu vaungane vakawanda. Saka basa racho rabva rakanganis­ika.

“Nekuda kweizvozvo, ndinokurud­zira vamwe vaimbi kuti ngatidzidz­ire kushandisa maoko edu kuita mabasa akasiyana kuti tikwanise kuzviraram­isa nemhuri dzedu pamwe nenhengo dzezvikwat­a zvedu.

“Iye zvino zvakakosha kuti tichitanga kushandisa­wo dzimwe nzira dzechizvin­o-zvino dzekutenge­sa mimhanzi yedu kuitira kuti isvike kuvatsigir­i vedu,” anodaro Tekeshe.

Akatanga kuimba achiri nemakore 13 ekuberekwa ari kuchechi.

Tekeshe — uyo anotsigirw­a nechikwata cheThe Rivers of Joy Music — kusvika pari zvino akwanisa kutsikisa madambaref­u matatu anoti Kugona kwaMwari (2012), Mukana Uripo (2015) naThe Kingdom of God ra2018.

Pari zvino ari mushishi kubika dambarefu rake rechina rinonzi Jehovah Yahwe iro anotarisir­a kubura munguva pfupi inotevera.

 ??  ?? Matildah Tekeshe
Matildah Tekeshe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe