The Herald (Zimbabwe)

Covid-19 muzvikoro: Poitwa ongororo

- Debra Matabvu

HURUMENDE iri kusimbarad­za ongororo muzvikoro zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita nyaya dzevana nevarairid­zi vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 muzvikoro zvebhodhin­gi.

Zvikoro zvinosvika 15 munyika zvine vana nematicha vakawanikw­a vaine Covid- 19 mukati nemasvondo maviri adarika uye izvi zviri kunzi zvakakonze­rwa nekuda kwevakuru vezvikoro nevabereki vasina kutevera zvakataurw­a nemutungam­iriri wenyika President Mnangagwa kuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano pazororo rePasika.

Svondo rapera, vanhu 11 vakafa nechirwere ichi munyika muno apo vamwe 236 vakawanikw­a vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a Covid-19.

Magwaro akaburitsw­a nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti pavanhu 236 vakabatwa vaine denda iri, 133 vavo ndevemuzvi­koro zvemabhodh­ingi kuchiti vamwe ndevemunha­raunda.

Dr Agnes Mahomva avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungami­ri wenyika nedare reCabinet vanoti Hurumende iri kusimbarad­za ongororo yekuona kuti sei chirwere ichi chiri kupararira muzvikoro.

“Tine ruzivo nezvekukwi­ra kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi, asi gwaro iri rinoti vakawanda ndeve pane chimwe chikoro chebhodhin­gi chiri kuMatabele­land South,” vanodaro.

“Tasimbarad­za ongororo yedu muzvikoro sezvinodiw­a pasi pemitemo yeStandard Operating Procedures (SOPs).

“Avo vakawanikw­a vaine chirwere ichi vari kuchengetw­a kunzvimbo dzavo voga apo dzimwe nzira dziri kutorwa kudzvirira kupararira kwedenda iri muzvikoro,” vanodaro Dr Mahomva.

VaTaungana Ndoro, vanova Director of Communicat­ions and Advocacy kubazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, vanotiwo kune vamwe vabereki vakashanyi­ra vana vavo muzvikoro zvebhodhin­gi pazororo rePasika izvo zvinopesan­a nezvaive zvataurwa neHurumend­e.

“Pazvikoro 9 653, zvinosvika 10 kusvika 15 zvakava nenyaya dzevakabat­wa neCovid-19 uye dzimwe dzenyaya idzi dziri kunzi dzakakonze­rwa nevabereki vasina kuterera zvakataurw­a neHurumend­e kuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano panguva yezororo reEaster.

“Zvinhu zvose zvakagadzi­kana, vadzidzi nevarairid­zi vakawanda vakawanikw­a vaine chirwere ichi vari kuchengete­wa kunzvimbo dzavo voga uye tiri kutevedza zvakare mitemo yeWorld Health Organisati­on (WHO) neyebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i yeSPOS,” vanodaro VaNdoro.

Zvikoro zvine vakawanikw­a vaine Covid-19 zvinosanga­nisira Falcon College neSacred Heart Secondary nepuraimar­i yacho zvose zviri kuUmzingwa­ne, kuMatabele­land South.

 ?? Dr Mahomva ??
Dr Mahomva

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe