. . . nyika yokunda muhondo yeHIV
ZIMBABWE iri kuratidza kubudirira zvikuru panyaya yekurwisa hutachiona hweHIV neAIDS zvichitevera gwaro rakaburitswa nesangano reGlobal AIDS Monitoring Report munguva pfupi yadarika apo nyika ino iri mushishi kuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Vachitaura kuvatori venhau pamusangano wavakaita kumahofisi avo muguta reHarare, chamangwiza wesangano reNational AIDS Council (NAC) — Dr Bernard Madzima — vanoti pari zvino vanhu vari kubatwa vaine hutachiona hweHIV vave vashoma kwazvo izvo zvinoratidza kuti pane mikana mikuru yekuti nyika ino ikunde mukupedza AIDS pasi pezvinangwa zvegore ra2030.
Vanokurudzira veruzhinji kuti panguva ino nyika iri kurwisa Covid-19, vasakanganwe kudzivirira hutachiona hweHIV.
“Tinoramba tichikurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa hutachiona hweHIV kuzvipatara zviri pedyo navo uye kune vaya vari pamaAnti-Retroviral Drugs, ngavarambe vachitora mishonga yavo nguva nenguva nekuenda kuzvipatara kunorapwa pose pavanosangana nematambudziko. Tinokurudzira zvekare kuti vanhu vatevedze hwaro hweWorld Health Organisation (WHO) kuburikidza nekuregedza kuungana, kugeza maoko nguva nenguva uye kupfeka mamasiki kuti tikwanise kukunda denda reCovid-19,” vanodaro.
Chirongwa cheUnited Nations General Assembly Political Declaration on HIV and AIDS chine zvinangwa zvekusimbaradza matanho ari kutorwa nenyika dzakasiyana mukuedza kupedza HIV neAIDS mugore ra2030.
“Zimbabwe iri kuedza nepose painogona kuti ifambise zvirongwa zve90-9090 (fast track targets) izvo zvine donzvo rekuona kuti mugore ra2020 vanhu vazhinji munyika muno vange vava kuziva pavamire maringe neHIV, kuona kuti vose vari kurarama nehutachiona hweHIV vaiswa pamishonga yemaART uye kuti vatsigirwe mukuderedza hutachiona uhwu. Zvichireva kuti pasi rose nyika dzine donzvo rekudzikisa hutachiona hweHIV ne500 000 pagore,” vanodaro Dr Madzima.
Vanoti kuti izvi zvizadzikiswe, pane ongororo dzinoitwa pasi rose dzekuona kuti nyika dziri kutevedza here zvinangwa zvadzakatsidza maringe nekurwisa HIV neAIDS zvichifambirana nezvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals.
“Kuburikidza negwaro reGlobal Monitoring Report, tinokwanisa kuongororora budiriro yatiri kuita mukurwisa HIV neAIDS. Gwaro iri rine ruzivo maringe nezviri kutarisirwa kuti zvinge zviri munyaya dzeutano kuti vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vabatsirikane, kurapwa, kuchengetedzwa nekutsigirwa kwavo kusanganisira madzimai nevana. Rinotaura zvekare maringe nerutsigiro rwehomwe iri maringe nemabasa ekurwisa HIV neAIDS,” vanodaro.
Gwaro iri rinoratidza kuti pane budiriro huru muZimbabwe mukurwisa hutachiona hweHIV uye AIDS apo vanhu vazhinji vari kuwaniswa mishonga yemaARVS munzvimbo dzavanogara nechikamu che91,1 percent, vanhu vakuru vari kuwaniswa mishonga iyi nechikamu che94,1 percent apo vana vaine 71,8 percent.
Nzvimbo yeHurungwe neMazowe dzakaonekwa dziri pamberi mukuwanisa vanhu vane hutachiona hweHIV mishonga apo dziine chikamu che97.1 percent asi Gokwe North yakaderera zvikuru ne76.4 percent.