The Herald (Zimbabwe)

Majekiseni eCovid-19: Zim iri mugwara

-

Mashudu Netsianda naBongani Ndlovu

PRESIDENT Mnangagwa vari kurumbidza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudziviri­ra Covid- 19 icho chiri kufamba zvakanaka vachiti nyika ino iri panhamba yechisere pakuva nevanhu vakawanda vabaiwa muAfrica uye pechitatu mudunhu reSouthern Africa.

Chirongwa chekubaiwa majekiseni muZimbabwe chiri kuitwa pachena kune vanoda uye pane tarisiro yekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe kuti nyika ive yakadzivir­irwa kudenda iri.

Kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu 205 275 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (first jab) ekudziviri­ra Covid-19 munyika yose kubvira pakatanga chirongwa ichi munaKukadz­i chinove chikamu che1 percent.

MuAfrica, Seychelles ndiyo iri pamusoro pahuwandu hwevanhu vabaiwa majekiseni nechikamu che65,6 percent ichiteverw­a neMorocco ine 12,1 percent kwouya Sao Tome and Principe ine 4,4 precent uye Rwanda ine 2,7 percent.

Ghana, iyo ine vanhu vabaiwa majekiseni ekudzvirir­a Covid-19 nechikamu che2,1 percent, iri pechishanu ichiteverw­a neSenegal (1,9 percent).

Eswatini ine 1,8 percent, Malawi (0,9 percent), South Africa iri panhamba 17 ne0,5 percent apo Botswana neAngola dziine 0,6 percent panyika imwe neimwe.

Mozambique ine chikamu che0,2 percent chevanhu vabaiwa kuchiti Namibia ine 0,1 percent.

Vachinyora padandemut­ande ravo reTwitter, President Mnangagwa vanoti chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni munyika muno chiri mugwara rakanaka uye ndokukurud­zira veruzhinji kuti vanobaiwa.

“Chirongwa cheZimbabw­e chekubaiwa majekiseni eCovid-19 chiri kushanda! Zimbabwe iri panhamba yetatu muSADC pahuwandu hwevanhu vabaiwa uye pechisere muAfrica.

“Hatingadzo­kere shure pabudiriro yakadai kana muchikwani­sa kubaiwa, ndinokukur­udzirai mose kuti mubaiwe #ZimVaccina­tion,” vanodaro President Mnangagwa.

President Mnangagwa nguva pfupi yadarika vakaparura chirongwa chepiri chekubaiwa kwemajekis­eni vari kuVictoria Falls.

Vari kutungamir­ira chirongwa chekubaiwa majekiseni apo vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vatambire chirongwa ichi.

Pasi pechirongw­a chepiri chekubaiwa majekiseni ekudzvirir­a Covid-19, vanhu vari kutarisirw­a kubaiwa vanosangan­isira maticha, vakuru vemachechi nevatendi vavo, vanoona nezvekuche­ngetedzwa kwerunyara­ro munyika, vakwegura nevarwere vane zvirwere zvinoisa upenyu hwavo panjodzi.

Asi, kuVictoria Falls Hurumende yakakoka vagari vose veko vanosvika 110 000 kuti vanobaiwa majekiseni aya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe