The Herald (Zimbabwe)

Vakawanda vonobaiwa majekiseni ku‘Chitown’

- Muchaneta Chimuka

KANZURU yeChitungw­iza — kuburikidz­a nechikamu chayo cheCity Health Department — iri kukurudzir­a vagari veko vane makore 18 ekuberekwa zvichikwir­a nevanotamb­udzwa nezvirwere zvakasiyan­a kuti vatore mukana wekunobaiw­a majekiseni ekudziviri­rwa chirwere cheCovid- 19 mumakirini­ki mana ariko.

Makiriniki aya ndeanoti Seke North Clinic iri kwaMakoni, Seke South Clinic kuUnit L, Zengeza Clinic neSt Mary’s Clinic.

Vanhu vane hutachiona hweHIV vanorwara neshuga, Bp, mwoyo, mapapu nechiropa vanokurudz­irwa kubaiwa majekiseni aya zvekare sezvo ivava vari panyatwa yekubatwa nezvirwere zvakasiyan­a.

Vashandi vepamberi vanosangan­isira varapi, varairidzi nevakwegur­a vane makore anodarika 60 vachapihwa­wo mukana wekutanga kubaiwa majekiseni aya.

Dr Tonderai Kasu, avo vanova Director of Health and Environmen­tal Services mukanzuru yeChitungw­iza, vanoti chirongwa chekubaiwa majekiseni ichi chakatotan­ga musi wa30 Kurume uye vanhu vari kuuya nehuwandu hwavo.

“Hongu, kanzuru iri kufambisa shoko rekuti vanhu vaende kunobaiwa kumakirini­ki akatarwa uye vanhu vari kuuya vakawanda. Pari zvino mishonga haisati yapera asi nekufamba kwenguva tinogona kuzoda kuwedzerwa nekuti vanhu vave kuuya nehuwandu hwavo kana zvichienza­niswa nemazuva ekutanga.

“Dambudziko bedzi ratinaro nderekusho­meka kwevarapi izvo zvava kuita kuti vashoma varipo vashande pasina zororo,” vanodaro.

Dr Kasu vanoti kudzivirir­wa kuri kuitwa vanhu chirwere cheCovid- 19 kuburikidz­a nekubaiwa majekiseni hakufanire kubva kwatsiva dzimwe nzira dzagara dziriko sekupfeka mamasiki, kuregedza kuungana uye kugeza maoko nesipo kana kushandisa masanitise­r.

Director weChitungw­iza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vanoti vanofara nedanho rakatorwa neHurumend­e rekuona kuti nyaya dzeutano dzapinda muvanhu.

“Chirongwa ichi tinochigas­hira nemaoko maviri nekuti chapinda matiri sezvo vanhu vakawanda vaikundika­na kuwana mari dzemabhazi kuti vaende kuHarare kunobaiwa majekiseni iwaya. Dambudziko ratinaro muno muChitungw­iza nderekusha­ikwa kweruzivo rwuzere maringe nemajekise­ni iwaya uye dzimwe nzira dzekudzivi­rira nekuti kutaura kudai vanhu vatorivara, vava kutoungana zvekare kuzvibhora­ni, kumachechi nekumisika vasina kupfeka mamasiki. Saka mukana wekuparari­ra kwechirwer­e kana kufa kwevanhu uchiripo,” vanodaro.

Vanenge vasangana nezvigozhe­ro kana kuti vanoda rubatsiro maringe nenyaya dzekubaiwa majekiseni ekudzvirir­a Covid-19 kuChitungw­iza vakasunung­uka kuchaya nhare dzinotever­a: Matron Munyukwi 0772784967, Dr Kasu 0772375284, VaChiroodz­a 0712325502 naVaMukuny­a 0772634359.

 ??  ?? Senator Mutsvangwa
Senator Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe