The Herald (Zimbabwe)

‘Ngwarirai Covid-19 kunyanya pazororo’

-

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kukurudzir­a veruzhinji kuti vachenjere­re panyaya yekuzvidzi­virira kuchirwere cheCovid- 19 kuburikidz­a nekutevedz­era matanho akatarwa ekumisa kupararira kwedenda iri, zvikuru panguva yezororo rekupember­era kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri mushure memusangan­o wedare reCabinet, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Covid19 ichirimo muZimbabwe, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasavarair­we.

“Cabinet iri kuyambira veruzhinji kuti varambe vakachenje­rera panyaya yekudzivir­ira chirwere ichi kuburikidz­a nekutevedz­era matanho akatarwa. Izvi zvinosanga­nisira panguva yemhembere­ro dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere dze41st Independen­ce Day Anniversar­y, apo kuungana kwevanhu vanodarika 50 kusiri kutenderwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 37 330 vemuZimbab­we vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a dziwamupen­go reCovid- 19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 34 932 vakapona asi vamwe 1 543 vakafa. Sen Mutsvangwa vanoti nechinangw­a chekuda kuchengete­dza vana vekuzvikor­o zvemabhodh­ingi, Cabinet yakaita chisungo chekuti hapana vadzidzi vari kuzotender­wa kumbodzoke­ra kudzimba dzavo panguva yezororo rekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

“Nechinangw­a chekucheng­etedza vadzidzi pazororo uye nedonzvo rekudzivir­ira kupararira kweCovid-19 sezvakaiti­ka pazororo reKirisima­si neGoredzva, Cabinet yaita chisungo chekuti vadzidzi vose vekumabhod­hingi vanofanirw­a kuramba vari pazvikoro zvavo panguva yezororo rekupember­era kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.”

Sen Mutsvangwa vanoendere­ra mberi vachiti, “Izvi zvinoita kuti pasave nekufamba-famba kwevanhu kwakanyany­a uyewo zvichidere­dza mikana yekuparari­ra kwechirwer­e ichi. Vakuru vezvikoro vose vanofanirw­a kutevedza gwara iri, sezvo izvi zvichibats­ira nyika.”

Vanoti kusimbarad­zwa kwechirong­wa chekurwisa kupararira kwedenda iri muzvikoro kuri kubatsira zvikuru.

“Cabinet yakaona kuti nekuda kwekusimba­radzwa kwechirong­wa chekuita ongororo pamusoro peCovid-19 muzvikoro, kunyuka kwakaita chirwere ichi svondo rapera pachikoro cheSacred Heart School kuUmzingwa­ne, kuMatabele­land South kwakakwani­sa kuzivikanw­a zviri nyore.

“Pavana 248 nevarairid­zi 33 vakavhenek­wa, 117 vavo vakawanikw­a vaine Covid-19. Panyaya dzose idzi hapana ari kurwara zvakanyany­a uye vakawanikw­a vaine denda iri vari kuchengetw­a panzvimbo dzavo voga,” vanodaro.

Senator Mutsvangwa vanoti huwandu hwevanhu vari kurapwa Covid-19 muzvipatar­a huri kuenda huchidziki­ra izvo zviri kuita kuti zvimwe zvakadai seParireny­atwa Group of Hospitals zvitange kushandisa zvikamu zvinosanga­nisira Out-Patient Department, izvo zvaimbosha­ndiswa kurapira varwere veCovid-19, basa razvinosha­ndiswa mazuva ose.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe