The Herald (Zimbabwe)

. . . denda roita serodzoka

- Tandayi Motsi

HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa munyika muno uye nevari kufa hunoratidz­a kuti huri kukwira zvishoma kubvira nemusi weSvondo kana zvichienza­niswa nenguva pfupi yadarika.

Magwaro anoburitsw­a pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 39 vakawanikw­a vaine chirwere ichi uye vashanu vakafa zuva iri.

Nerimwe divi, 23 vakabatwa vaine denda iri nemusi weChipiri apo mumwe chete akafa kana zvichienza­niswa neMuvhuro apo pakawanikw­a vanhu 19 vaine Covid-19, vana ndokufa.

Nemusi weSvondo, vanhu 15 vakawanikw­a vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a Covid- 19 mushure mekuvhenek­wa uye hapana akafa nechirwere ichi zuva iri.

Mamiriro ezvinhu aya asiyana nenguva yadarika apo huwandu hwevanhu vaibatwa nechirwere ichi pamwe nevaifa hwange hwakaderer­a.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo dzinogara veruzhinji dzinosanga­nisira Harare, Chitungwiz­a neDombosha­va inoratidza kuti vanhu vakawanda havasisina hanya nekutevedz­era matanho akatarwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) uye neenyika ino mukudzivir­ira Covid-19.

Vakawanda vari kuonekwa vasina kupfeka mamasiki apo vanenge vari panzvimbo dzinosanga­na vanhu uye vamwe vachiita chitsokots­oko izvo zvinopesan­a nekurudzir­o yenyanzvi dzezveutan­o.

Kune vamwe vemabhizim­isi emabhawa nemanight club vari kuonekwa vakavhura zvechitsot­si zvisinei nekuti pasi pemitemo yekurwisa kupararira kweCovid-19 havasati vave kutenderwa kuvhura.

Hurumende iri kuramba ichikurudz­ira veruzhinji kuti vangwarire panyaya yekuzviche­ngetedza kubva kuchirwere cheCovid-19, zvikuru panguva yezororo rekupember­era kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere iro raswedera.

Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri mushure memusangan­o wedare reCabinet, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Covid19 ichirimo muZimbabwe, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vasavarair­we uye vazvicheng­etedze.

“Cabinet iri kuyambira veruzhinji kuti varambe vakachenje­rera panyaya yekudzivir­ira chirwere ichi kuburikidz­a nekutevedz­era matanho akatarwa. Izvi zvinosanga­nisira panguva yemhembere­ro dzekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere dze41st Independen­ce Day Anniversar­y, apo kuungana kwevanhu vanodarika 50 kusiri kutenderwa,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Zvichakada­i, Hurumende iri kufambira mberi nekubaya vanhu jekiseni renhomba rinodzivir­ira dzihwamupe­ngo Covid-19 nyika yose.

Magwaro ebazi rezveutano aya anoratidza zvekare kuti veruzhinji vari kutambira kubaiwa kwemajekis­eni aya sezvo iri imwe yenzira dzekumisa matambudzi­ko anouya neCovid-19.

Chirwere cheCovid-19 hachisati chawanirwa mushonga unochirapa pasi rose uye kubaiwa majekiseni ekuchidziv­irira hazvireve kuti vanhu havachapfe­ka mamasiki kana kutevedzer­a zvimwe zvagara zvichiitwa pakuzviche­ngetedza kudenda iri.

 ?? VaGeorge Seremwe ??
VaGeorge Seremwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe