The Herald (Zimbabwe)

Vodzivirir­a Covid-19 kumisika yefodya

- Muchaneta Chimuka

VARIMI vefodya vari kutambira nemaoko maviri hurongwa hwakaitwa neHurumend­e uye nemakamban­i anotenga fodya hwekudered­za huwandu hwevanoten­gesa zvirimwa zvavo kumisika pazuva senzira yekudzivir­ira kutapurira­nwa kwechirwer­e cheCovid-19.

VaGeorge Seremwe, vanova mutungamir­iri wesangano reTobacco Associatio­n of Zimbabwe, vanoti nhengo dzavo dziri kuedza nepadzinog­ona kudzivirir­a chirwere cheCovid-19 pavanoteng­esa fodya yavo kumisika.

“Tiri kukurudzir­a varimi kuti munzvimbo dzakasiyan­a vasarudze vamiriri vashoma vanoenda nefodya yavo kumisika kuitira kuti tisiyane netsika iya yekuti vanonounga­na nehuwandu hwavo. Tine dambudziko nevemakond­irakiti uye vemabhangi nekuti havasi kubhadhara varimi vedu nenguva, ndizvo zvimwe zvichaita kuti vagumisire vava kunoungana kumisika vachida mari dzavo.

“Dai varimi vangopihwa mari dzavo pazuva ravanosiya fodya ndinovimba kuti zvaibatsir­a kuti tirwise chirwere cheCovid-19 nekuti vaingobva vadzokera kudzimba pakarepo. Tinofara zvikuru kuti munzvimbo dzakadai seKaroi neMvurwi muri kuitwa zvirongwa zvekuti varimi vanotenges­a fodya vari pedyo nemisha yavo,” vanodaro.

VaEdward Dune, avo vanova chamangwiz­a wesangano reZimbabwe National Farmers Union, vanoti varimi vari kukoshesa nyaya dzekudzivi­rira Covid-19 mumabasa avo.

“Covid-19 haisisiri chinhu chitsva, varimi tave kugara tichitongo­ziva zvatinofan­irwa kuita sekuti zvakangofa­nana nekuziva kuti mai mukadzi wababa saka tiri kuita zvose zvinofanir­wa kuitwa,” vanodaro VaDune.

Mai Pauline Maronga vanorima vari kuKaroi vanoti vanofara zvikuru nehurongwa hwakaitwa neHurumend­e uye masangano anomiririr­a varimi vefodya mukuona kuti vakachenge­tedzeka kubva kuchirwere ichi pavanoenda kumisika.

“Patakaenda kunotenges­a fodya yedu, varimi vaitoda zvekupinda vose mukati asi zvakarambw­a nokuti maingopind­a murimi aive nechijana chekutenge­sa fodya yake pazuva iroro. Ini ndakatenge­sara fodya yangu kuTobacco Sales Floor (TSF) uye hazvina kutitorera nguva refu tichibva tadzokera kumba zuva iroro.

“Taifiritwa nemishonga inouraya hutachiona muviri wose pakupinda kuti Covid-19 isapararir­e,” vanodaro.

VaAaron Mlambo, avo vanorima vari kuMunhenga Farm, kuShamva, vanoti havasati vaendesa fodya yavo kumisika asi vanovimbis­wa kuti vachange vakachenge­tedzeka kana pari panyaya yekudzivir­irwa kuCovid-19.

“Tinovimba kuti kana chijana chedu chekunoten­gesa chasvika, zvatakavim­biswa zvichazadz­ikiswa nekuti takaudzwa kuti chirwere cheCovid-19 chicharwis­wa zvakasimba kumisika ikoko. Nesuwo varimi tichazvich­engetedza kubvira kuminda kwatiri kukohwa fodya yedu nepakufamb­a apo tinoenda kumisika.

“Hatingamir­iri Hurumende bedzi kuti ive iyo inoticheng­etedza asi zvava kutodawo iwe munhu wakazvimir­irira. Tiri kufambawo nemasaniti­zer edu tichizora mumaoko, kuregedza kuungana uye kusakwazis­ana nemaoko,” vanodaro.

VaMlambo vanoti vakasarudz­awo kunobaiwa jekiseni rekudzivir­ira Covid19.

Misika yefodya yakavhurwa svondo rapera uye yakatanga nemitengo yakanaka apo chirimwa ichi chakatengw­a nemutengo uri pakati nepakati weUS$4.30 pakg kana zvichienza­niswa neUS$4 pakg wegore radarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe