The Herald (Zimbabwe)

Varimi musaungane: ZFU

- Kingstone Mapupu

SANGANO revarimi reZimbabwe Farmers Union ( ZFU) rinoyambir­a nhengo dzaro kuti dzimbomira mabasa anoita kuti vashande vakaungana akaita senhimbe kana kuti jakwara nemikando senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

VaPaul Zakariya, avo vanova mukuru weZFU, vanoti varimi vakawanda vane mishandira­pamwe nemasangan­o ekubatsira­na kurima ayo avagara vachiita senhimbe yekurima mapindu nekubatsir­ana kungava kupura zvirimwa nekusakura, izvo zvavanoti panguva ino ngavambomi­ra kuzviita nekuti kuungana kunoita kuti vanhu vatapurira­ne chirwere ichi.

“Nguva ino varimi vari mubishi kugadzira goho sekutonong­ora chibage nenzungu kana kupura zviyo nemhunga. Chivanhu chedu chinokurud­zira kuti varimi vaite mishandira­pamwe vakaungana seyatinoda­idza kuti nhimbe.

“Asi nekuda kwedambudz­iko rechirwere cheCovid-19, hatisi kukurudzir­a kuitwa kwenhimbe panguva ino sezvo zvichiguma zvaita kuti varimi vedu vaungane zvoparadzi­ra chirwere chanetsa ichi,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti nhimbe inobatsira zvikuru uye inosimudzi­ra zvikamu zvemabasa ekurima, asi vanokurudz­ira kuti varimi vambomira kuungana kusvikira denda iri radzikama.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kuuraya uye vakawanda vari kurwara, hachisarud­ze kuti VaZakariya murimi anozivikan­wa kana kuti anorima zvinoshami­sa — chinongoba­ta nekuuraya. Saka tinoti ngatimbosi­yanai nekuita jakwara, nguva ichakwana yekuti titange zvakare kuungana tichibatsi­rana mabasa ekurima aya nekuita zvakasiyan­a,” vanodaro.

Vanopa muenzaniso wenzvimbo dzakaita sekuBuhera, kwaGutu, Mt Darwin, Guruve, Karoi, Sanyati, kwaChivi, kwaMutare, nekumwe uko vanoti varimi vari kupura zvirimwa zvinosanga­nisa mapfunde, mhunga, zviyo, nezvimwe ukowo vamwe vari kutonongor­a zvirimwa vachigadzi­rira kuzonozvit­engesa kana kurongedza mumatura.

“Mwaka uno nyika ine maguta kubva kuzvirongw­a zveHurumen­de sechePfumv­udza izvo zvaonekwa varimi vachikohwa chibage chakawanda zvikuru uye matara achizara. Zvinoreva kuti pane mabasa ekupura nekutonong­ora zvirimwa izvo zvinoda kuti vanhu vabatsiran­e.

“Asi nekuda kwechirwer­e ichi, hatibvumid­ze kuti varimi vaungane vachiita nhimbe, nyanzvi dzezveutan­o hadzisi kubvumidza kuita kwakadai,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kuzvicheng­etedza pautano hwako munhu nemhuri yako nerumwe ruzhinji kwakakosha zvikuru panguva ino apo chirwere ichi chiri kubata vanhu vakawanda vemuno neve kunze.

“Sevarimi, tiri musimboti wenyika saka hatidi kurasikirw­a nevarimi vedu nerumwe ruzhinji nekuti iwe murimi paunofa nyika yarasikirw­a nemhuri yako yose, panofawo mumwe munhu iwe murimi unenge warasikirw­a zvakare nekuti ndiye anotenga zvirimwa zvako,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti nguva ino ndeye kuti varimi zvakare vachere mipfudze kubva mumatanga avo vachiungan­idza kuti iworere zvavanoti zvose izvi ngazvimbom­ira sezvo zvichida kuti vaungane.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe