The Herald (Zimbabwe)

Pwere dzoitiswa mabasa akaoma

- Muchaneta Chimuka

NYAYA dzekushand­iswa kwevana mumabasa akasiyana munguva ino apo vagere kudzimba nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 dziri kuwanda sezvo vasiri kuenda kuchikoro sedanho rekumisa kupararira kwedenda iri.

Kwayedza inotendere­ra kuDombosha­va, Shamva, kuChitungw­iza nemuHarare ndokuona kuti vamwe vabereki vava kutotora chirongwa cheLockdow­n semukana wekushandi­sa vana mabasa anosangani­sira kutengesa pamusika, kunochera mvura kuzvibhora­ni, kurima nekushanda mudzimba. Vamwe vakatomisa vasikana nevakomana vaivashand­ira nekuda kwekuti mabasa aya ava kuitwa nevana vavo.

Vamwe vana vanonzi vava kushandisw­a mabasa akaoma sekunokoro­koza zvicherwa, kutengesa muviri kana kupemha pakati pezvimwe zvisinei nemazera.

Vamwe vabereki vanotaura maonero avo nezviri kuitika kuvana izvi.

“Ichokwadi, vana havachina zororo kudzimba uku sezvo, vari kutumwa kuita mabasa ezvicherwa sekuno kuShamva vazhinji vatova makorokoza zvekuti kunyangwe zvikoro zvikazovhu­rwa, vamwe vavo vanenge vasisade kudzidza nekuti varavira mari. Mabasa avari kuita anorwadza zvekuti anotoda vanhu vakuru kana kuti michina chaiyo. “Zvekare, kunzvimbo idzi kunoitwa mabasa echipfambi pachena zvekuti pwere dzinopedzi­sira dzava kutoona sekuti ndizvo zvekuteved­zera, vogumisira vapinda panyatwa yechirwere cheCovid-19 nekutapuri­rwa HIV,” vanodaro VaSimon Munandi. VaMunyarad­zi Chizola vekuChitun­gwiza vanoti kushandisw­a kwevana vezera risingaten­derwe nemutemo kunoreva kuvaitisa mabasa akaoma ayo anofanirwa kuitwa nevanhu vakuru vezera remakore anobva pa18 ekuberekwa zvichikwir­a.

Mabasa aya anovarwadz­a nekuvakuva­dza uye haana chaanovaba­tsira muupenyu hwavo sevana. “Kune mamwe mabasa anogona kuitwa nevana sekuwacha, kusuka kana kubika uye hatingati kushandisw­a asi kuti kubatsira pamusha zvekare zvinoumbaw­o remangwana ravo kuti vazova vanhu vanoziva zvavanotar­isirwa kuizoita pavanokura.

“Asi kana tikazoonaw­o vana vava kushandisw­a mabasa akaomarara uye kwemaawa akawanda, ndiko kwatinoti kushandisw­a kwevana kusingaten­derwi nemutemo. Imhosva inoendesa kujeri kushandisa vana,” vanodaro.

Mbuya Simbisai Magora vekuChitun­gwiza kwekare vanotiwo vanobatika­na zvikuru nehuwandu hwevana vari kuswera vari pamisika nekuzvibho­rani vachichera mvura munguva ino yeCovid-19 uye kunze kuchitonho­ra.

“Vamwe vana tinovaona vasina kupfeka zvinodziya, apa vachisunda ngoro dzizere zvigubhu nemigomo yemvura. Vamwewo vari kuswera vachitenge­sa pamisika uye vasina kupfeka zvinovadzi­virira kuCovid-19.

“Unoona pwere dzine makore mashanu dziri pamusika dzichimhan­yisana nemabhazi kutsvaga vatengi zvinopa mikana yekutsikwa kana kumbunyiki­dzwa nenzira yechibharo panzvimbo idzi. Kudai Hurumende yapindira yanunura vana ivavo yosunga vabereki vari kuvatuma kusanganis­ira vaya vanopemha. Zvinofanir­a kupera sezvo vabereki vanenge vagere zvavo sekunze kwemigwagw­a vachituma pwere kupemha pakati pemigwagwa,” vanodaro.

Zvichiteve­ra kunyuka kwechirwer­e cheCovid-19, Hurumende svondo rino yakawedzer­a hurongwa hweLockdow­n nemasvondo maviri, zvimwe chetezvo nekuvhurwa kwezvikoro.

Kugara kuri kuita vana kudzimba nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 ndiko kumwe kwava kukonzera dzimwe nyaya dzekumbuyi­kidzwa kwepwere pamwe nekushandi­swa mumabasa anorwadza.

Mitemo yemuZimbab­we inoona nezvemabas­a, Labour Act pamwe neChildren’s Act 5:06, inorambidz­a kusevenzes­wa kana kupinzwa mabasa kwevana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa kana kuvashandi­sa mabasa anogona kukanganis­a utano hwavo.

Ongororo yakaitwa nesangano reUnicef inoratidza kuti vana 1.3 miriyoni munyika inherera uye 100 000 vavo vanogara voga mumhuri dzavanotun­gamirira.

 ??  ?? Vana vari kushandisw­a mumabasa asingaende­rane nezera ravo
Vana vari kushandisw­a mumabasa asingaende­rane nezera ravo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe