The Herald (Zimbabwe)

Vanoshaya vobatsirwa

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yeGerman, kuburikidz­a neGerman Federal Foreign Office, yakapa rutsigiro rwe€3 miriyoni kusangano reWorld Food Programme (WFP) muZimbabwe kuti vayamure mhuri dzinonetse­ka kuwana zvekudya munguva iyo nyika iri kutambudzw­a nechirwere cheCovid-19.

Mari iyi ndechimwe chikamu che€18 miriyoni yakapihwa kunyika yeGermany kuti ibatsire nyika dziri muSouthern Africa mugore ra2021-2023.

Rubatsiro urwu rwuchashan­diswa mukutenga chikafu nekutsigir­a madzimai, varume, vanasikana nevakomana kusanganis­ira vanobva kune dzimwe nyika vachitiza hondo kana mamwe matambudzi­ko (refugees) kuti vawaniswe kudya kunovaka muviri apo vanhu vave kugadzirir­a mwaka wekurima unotevera.

Mutevedzer­i wemumiriri­ri wenyika yeGerman muno, Christian Oelfke anoti rutsigiro urwu rwuchaenda kuvanhu vanotambur­a zvakanyany­a.

“Senzira yekuderedz­a matambudzi­ko ayo ari kuunzwa nekuda kwechirwer­e cheCovid-19, takapa rubatsiro kune veruzhinji muZimbabwe. Kunyuka kweCovid-19 kwakangani­sa kuwanikwa kwechikafu kumhuri dzakawanda, nekudaro rubatsiro urwu rwuchaita kuti mhuri dzinotambu­ra dzibatsiri­kane,” vanodaro.

Muzvare Francesca Edelman, anova country director pamwe nemuririri weWorld Food Programme muno, vanoti rubatsiro urwu rwauya panguva iyo rwanga rwuchidiwa zvakanyany­a sezvo vakawanda vari kukundikan­a kuisa chikafu chinovakwa­nira patafura nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kukanganis­a vanhu munyika zvichiteve­ra kumbomiswa kufamba-famba kwevanhu nedonzvo rekuedza kuderedza kutekesher­a kwacho. Saka vanhu vakawanda varasikirw­a nemabasa ayo aivapa chouviri.

“Vanhu vazhinji muZimbabwe vanopona nemabasa ekuzviitir­a nekudaro kumbomiswa kushanda kwaita vanhu ava kwakakanga­nisa raramo yavo. Tinofara zvikuru kuti kuchikamu chekurima kwakaratid­za kuva nepundutso apo vanhu vakawana goho guru, asi kune dzimwe nzvimbo nzara ichiriko.

“Tine vapoteri (refugees) avo vari kuTongogar­a Refugee Camp vanova vari kunetseka kudya vari uye vanopona nerutsigir­o rwunobva kuWFP. Rubatsiro rwatawanis­wa neGermany rwuchaita kuti vanotambur­a vabatsirik­ane zvikuru,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa mugore ra2020 maringe neraramo yevanhu vemumaguta (Urban Livelihood­s Assessment) inoratidza kuti vanhu 2,4 miriyoni vemumaguta kana kuti chikamu che42 percent chevanhu vari muZimbabwe havana chokudya chinovakwa­nira apo vagari vekumaruwa vanosvika 2,9 miriyoni kana kuti chikamu che27 percent vanenge vasina chekudya chakakwana, zvikuru pakati pemwedzi waNdira-Kurume.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe