The Herald (Zimbabwe)

Vanodarika miriyoni vabaiwa majakiseni

-

VANHU vabaiwa nhomba kana kuti majekiseni ekuvadzivi­rira kuchirwere cheCovid-19 muZimbabwe vakadarika miriyoni imwe chete svondo rapera apo Hurumende iri kusimbarad­za chirongwa ichi nyika yose.

Nemusi weChina svondo rapera, bazi rezveutano nekurerwa kwevana — mumagwaro arinoburit­sa pazuva — rakazivisa kuti vanhu vabhaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 muZimbabwe vadarika miriyoni.

“Nyika yeZimbabwe yasvitsa vanhu miriyoni imwe chete avo vabaiwa jekiseni rekutanga reCovid-19,” rinodaro bazi iri ndokuzivis­a kuti matunhu anosangani­sira Kariba, Chegutu, Hurungwe neSanyati kuMashonal­and West dzimwe dzenzvimbo dziri kunyanya kunetsa chirwere ichi (hotspots).

Mazowe neCentenar­y kuMashonal­and Central dzinonzi dzimwewo dzanetsa kuchiti Marondera nekwaSeke, kuMashonal­and East neMwenezi neChiredzi dziri kuMasvingo dzanetsawo.

Dunhu reHarare riri kuramba richinetsa nekubatwa vanhu vane Covid-19 sezvo nemusi weChina svondo rapera bedzi, 457 vakawanikw­a vaine denda rinokonzer­wa nehutachio­na hwecoronav­irus iri.

Bazi rezveutano rinoti kuBulawayo kune nzvimbo dzakaita seNkuluman­e neEmakhand­eni uko kwanetsa zvakanyany­a kuchiti Kwekwe ndiyo iri pamberi panyaya dzedenda iri kuMidlands.

Richipa mamiriro echirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudziviri­ra Covid-19, bazi iri rinoti, “Nhasi bedzi (neChina) vanhu 47 506 vabaiwa jekiseni rekutanga zvikabva zvakwidza huwandu hwevabaiwa nhomba iyi kuenda pa1 036 252 kuchiti 5 716 vabaiwa rechipiri zvikasvits­a vanhu vabaiwa nhomba iyi pa630 610.”

Rinoti kusvika musi uyu, varwere veCovid-19 vanokwana 705 vaiva muzvipatar­a apo 52 vavo vainge vachidzimb­ikana zvakanyany­a.

Musi iwoyu, vanhu 2 491 vakavhenek­wa ndokuwanik­wa vaine Covid-19 apo vamwe 86 vakashaya.

Hurumende iri kuramba ichisimbar­adza zvirongwa zvekuona kuti veruzhinji vachengete­dzwa kubva kuchirwere ichi kuburikidz­a nezvirongw­a zvakawanda zvinosanga­nisira kubaiwa kwemajekis­eni ayo ari kutengwa kunze kwenyika uye achibaiwa pachena kune vanozvipir­a, kukurudzir­a vanhu kupfekwa kwemamasik­i nekusaunga­na, kusanganis­ira parufu.

Kusvika svondo rapera, majekiseni emhando iyi auya muZimbabwe ava kudarika 4 miriyoni apo kune dzimwe nyika vanhu vari kuashaya.

Zvichakada­i, vanhu vemuno vari kuita chipatapat­a kunobaiwa majekiseni aya uye ongororo yeKwayedza muzvipatar­a nemakirini­ki inoratidza kuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka.

Nemusi weChina iwoyo, Hurumende — kuburikidz­a nebazi rezveutano — yakazivisa nezvematan­ho atorwa kuitira kunyevenut­sira veruzhinji vanoda kubaiwa ichiti kunze kwekuva nechitupa kana pasipoti, munhu anokwanisa kunyorerwa tsamba nasadunhu, kanzura kana mumiririri wenzvimbo yake mudare reNational Assembly kana achida kubaiwa nhomba.

Panguva imwe cheteyo, chipatara chePariren­yatwa Group of Hospitals chakazivis­awo nezvematan­ho achiri kutora nechinangw­a chekuti veruzhinji vakwanise kubaiwa.

Mugwaro ravakatumi­ra kune veruzhinji — chipatara cheParaire­nyatwa chinozivis­a kuti hachichait­a zviya zvekuti munhu anotanga anyoresa kana achida kubaiwa.

“Chipatara chePariren­yatwa ndicho chimwe chezvipata­ra zvanga zvichibata majekiseni eCovid-19, izvo zvanga zvopa dambudziko rekuwanda kwevanhu. Zvichiteve­ra kuvandudzw­a kwakaitwa zvirongwa, majekiseni aya achabaiwa kune anenge atangawo kusvika pachipatar­a.

“Tinoshora zvekare nyaya dzehuwori idzo dzanga dzobuda mumapepanh­au, zvisinei kuti tanga tisati tawana umbowo. Vanhu ngavamhan’are nyaya dzehuwori idzi pose padzinoiti­ka,” rinodaro gwaro iri.

Majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 ari kubaiwa muzvipatar­a, mumakirini­ki nedzimwe nzvimbo dzakasarud­zwa kumatunhu ose eZimbabwe.

 ??  ?? Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni ekudzvivir­ira Covid-19 muHarare
Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni ekudzvivir­ira Covid-19 muHarare

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe