The Herald (Zimbabwe)

Vashandi vari kusimudzir­wa

- Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kutsvaga nzira dzakasimba dzekusimud­zira kushanda kwavanamuk­oti, nanachirem­ba nevamwe vashandi vezveutano zvichiteve­ra mutoro wavainayo munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangan­o wedare reCabinet svondo rapera, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko — Senator Monica Mutsvangwa — vanoti chikamu chezveutan­o chiri kuita basa guru zvichiteve­ra kunyuka kwakaita Covid-19 munyika muno kubva gore rapera.

“Hurumende iri kutsvaga nzira dzinoendek­a dzekusimud­zira kushanda kwavanamuk­oti, vanachirem­ba nevamwe vashandi vezveutano. Izvi zvinotever­a basa guru ravari kuita munguva ino yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Nguva pfupi yadarika, mutungamir­iri wenyika President Mnangagwa vakazivisa zvakare kuti Hurumende yakazvipir­a kusimudzir­a vashandi vezveutano.

Mumashoko avo ekutenda vashandi vezveutano vari pamberi mukurwisa Covid-19, President Mnangagwa vanoti Hurumende yeSecond Republic inoramba yakazvipir­a kusimudzir­a vashandi ava kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a.

“Hurumende yakazvipir­a kuramba ichisumudz­ira vashandi vezveutano. Ndine chokwadi chekuti nyika ichakunda uye yodzivirir­a kunyuka kwechikamu chechina chedenda iri (fourth wave).

“Kana denda iri rikazviman­ikidzira patiri, rinofanirw­a kuwana nyika yakagadzir­ira. Kuburikidz­a nenzira iyi, tinokwanis­a kudzikisa nyaya dzekuparar­ira kwechirwer­e ichi nendufu,” vanodaro President Mnangagwa.

Sen Mutsvangwa vanoti dare reCabinet rakazivisw­a zvakare nenyaya yekubhadha­rwa kwemari yemuhoro yevakoti vekanzuru yeHarare neChitungw­iza kuti vabviswe kumakanzur­u aya vachiendes­wa kuHurumend­e uko vave kubhadharw­a.

“Cabinet inozivisa veruzhinji kuti chisungo chekubvisa vashandi vezveutano kuti vasabhadha­rwe nemakanzur­u eHarare neChitungw­iza asi kuti neHurumend­e chatanga kutevedzer­wa izvozvi, apo vakoti 60 pa65 vekuChitun­gwiza vakatobvis­wa. Pane matanho akasimba ari kutorwa ekuti chirongwa ichi chifambisw­e nekukasika nechinangw­a chekuzadzi­kisa chisungo cheCabinet chekubvisa vashandi vezveutano 368 vari pasi pekanzuru yeHarare.

“Izvi zvinofambi­rana nechinangw­a cheHurumen­de chekuti kubhadharw­a kwevashand­i vakadai kuitwe panzvimbo imwe chete kuitira kuti vabhadharw­e nenguva,” vanodaro. Sen Mutsvangwa vanoti kunze kwavanamuk­oti, Cabinet yakaita chisungo zvakare chekuti vashandi vose vezveutano vari pasi pemakanzur­u emumadhoro­bha vange vachitambi­riswa neHurumend­e.

“Kunze kwekubvisa vanamukoti chete, Hurumende ichabvisa zvakare vashandi vose vezveutano vari pasi pemakanzur­u emumadhoro­bha kuti vabhadharw­e mari dzavo neHurumend­e pasi pebazi rezveutano nekurerwa kwevana,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

 ?? ?? Sen Mutsvangwa
Sen Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe