‘Muchechi hatidi vasina kubaiwa’
VANAMATI vechechi yePentecostal Christian Church International (PCCI) vakaenda kugungano repagore rekereke iyi kuDonain, kuKadoma svondo rapera vakazoona kukosha kwekubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 mushure mekurambidzwa kupinda musangano uyu.
Izvi zvinotevera mutemo wakadzikwa neHurumende wekuti machechi anotenderwa kupindwa nevanhu vasingadarike 100 uye vose vanofanirwa kunge vakabaiwa majekiseni ose ari maviri — rekutanga nerechipiri — ekudzivirira Covid-19.
Chechi yePCCI inotungamirirwa naArchbishop Professor Johannes Ndanga vanovawo mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) uye yaiva negungano kubva Muvhuro kusvika nemusi weSvondo wadarika.
Vanamati vazhinji vechechi iyi vakadzoserwa kudzimba nekuda kwekuti vainge vasina magwaro anoratidza kuti vakabaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19.
“Tiri pano pamusangano pamuzinda wedu wepagore kuno kuDonain, kuKadoma sechechi pagungano ratinoshevedza kuti musangano wematumba. Sezvo tichitevedzera mitemo yeHurumende, kune vanamati vedu vainge vauya kuti tizoshumira pamwe chete navo vasina kubaiwa kubva nemusi weMuvhuro kusvika nhasi Mugovera asi tadzosera vanhu kudzimba vanodarika makumi mana,” vanodaro Archbishop Prof Ndanga.
Vanoti vanamati vakadzoserwa kudzimba ava vamwe vacho vaibva vatsvaga kwekunobaiwa vachidzoka asi vamwe vakaenda zvachose.
Archbishop Prof Ndanga vanoti kune vamwe vakadzoserwa kudzimba, vaiona sekunge vaitirwa hutsinye asi handizvo.
“Zvose zvatinoita izvi kutevedza mitemo yeHurumende, vanhu ngavabaiwe nhomba idzi. Tinotarisa kadhi rekubaiwa kuti munhu apinde gungano iri, ovhenekwa nemichina kuti aonekwe kudziya kwemuviri uye kana kwakadarikidza tinobva taita kuti aendeswe kukiriniki kana kuchipatara.
“Kana usina kubaiwa nhomba idzi unotova njodzi kuruzhinji uye unotyisa kusangana newe. Pachechi pedu hatidi kukuona, unogona kutiuraisa saka takati havafanirwe kupinda gungano rino.”
Archbishop Prof Ndanga vanoshora mamwe machechi anokurudzira vatendi kuti vasabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19 vachiti uku kukanganisa kukuru.
Vanoenderera mberi: “Covid-19 chirwere chakangofanana nezvimwe zvirwere, chicharapika nekupera nekufamba kwenguva saka pari zvino tinosungirwa kutevedzera zvinodiwa. Isu vatungamiri vemachechi ngatizivisei vateveri vedu mashoko echokwadi kwete kuvanyengera nemashoko asiriwo.”
Vanoyambira machechi ari pasi pesangano ravo reACCZ nevamwewo kuti vasaite huwori hwekutenga makadhi emukoto anoratidza kuti munhu akabaiwa.
“Handizive kuti kutenga kadhi rekuti wakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid19 iwe usina zvinobatsira chii? Unenge uchinyengedza ani? Unotyisa nekuti unouya pano tofunga kuti wakabaiwa iwe uchinyepa wozadza vamwe chirwere. Tinoti mapurisa sungai vanhu vakadaro,” vanodaro Archbishop Prof Ndanga.