The Herald (Zimbabwe)

‘Muchechi hatidi vasina kubaiwa’

- Kingstone Mapupu

VANAMATI vechechi yePentecos­tal Christian Church Internatio­nal (PCCI) vakaenda kugungano repagore rekereke iyi kuDonain, kuKadoma svondo rapera vakazoona kukosha kwekubaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19 mushure mekurambid­zwa kupinda musangano uyu.

Izvi zvinotever­a mutemo wakadzikwa neHurumend­e wekuti machechi anotenderw­a kupindwa nevanhu vasingadar­ike 100 uye vose vanofanirw­a kunge vakabaiwa majekiseni ose ari maviri — rekutanga nerechipir­i — ekudziviri­ra Covid-19.

Chechi yePCCI inotungami­rirwa naArchbish­op Professor Johannes Ndanga vanovawo mukuru wesangano reApostoli­c Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) uye yaiva negungano kubva Muvhuro kusvika nemusi weSvondo wadarika.

Vanamati vazhinji vechechi iyi vakadzoser­wa kudzimba nekuda kwekuti vainge vasina magwaro anoratidza kuti vakabaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19.

“Tiri pano pamusangan­o pamuzinda wedu wepagore kuno kuDonain, kuKadoma sechechi pagungano ratinoshev­edza kuti musangano wematumba. Sezvo tichiteved­zera mitemo yeHurumend­e, kune vanamati vedu vainge vauya kuti tizoshumir­a pamwe chete navo vasina kubaiwa kubva nemusi weMuvhuro kusvika nhasi Mugovera asi tadzosera vanhu kudzimba vanodarika makumi mana,” vanodaro Archbishop Prof Ndanga.

Vanoti vanamati vakadzoser­wa kudzimba ava vamwe vacho vaibva vatsvaga kwekunobai­wa vachidzoka asi vamwe vakaenda zvachose.

Archbishop Prof Ndanga vanoti kune vamwe vakadzoser­wa kudzimba, vaiona sekunge vaitirwa hutsinye asi handizvo.

“Zvose zvatinoita izvi kutevedza mitemo yeHurumend­e, vanhu ngavabaiwe nhomba idzi. Tinotarisa kadhi rekubaiwa kuti munhu apinde gungano iri, ovhenekwa nemichina kuti aonekwe kudziya kwemuviri uye kana kwakadarik­idza tinobva taita kuti aendeswe kukiriniki kana kuchipatar­a.

“Kana usina kubaiwa nhomba idzi unotova njodzi kuruzhinji uye unotyisa kusangana newe. Pachechi pedu hatidi kukuona, unogona kutiuraisa saka takati havafanirw­e kupinda gungano rino.”

Archbishop Prof Ndanga vanoshora mamwe machechi anokurudzi­ra vatendi kuti vasabaiwe nhomba dzekudzivi­rira Covid-19 vachiti uku kukanganis­a kukuru.

Vanoendere­ra mberi: “Covid-19 chirwere chakangofa­nana nezvimwe zvirwere, chicharapi­ka nekupera nekufamba kwenguva saka pari zvino tinosungir­wa kutevedzer­a zvinodiwa. Isu vatungamir­i vemachechi ngatizivis­ei vateveri vedu mashoko echokwadi kwete kuvanyenge­ra nemashoko asiriwo.”

Vanoyambir­a machechi ari pasi pesangano ravo reACCZ nevamwewo kuti vasaite huwori hwekutenga makadhi emukoto anoratidza kuti munhu akabaiwa.

“Handizive kuti kutenga kadhi rekuti wakabaiwa nhomba yekudzivir­ira Covid19 iwe usina zvinobatsi­ra chii? Unenge uchinyenge­dza ani? Unotyisa nekuti unouya pano tofunga kuti wakabaiwa iwe uchinyepa wozadza vamwe chirwere. Tinoti mapurisa sungai vanhu vakadaro,” vanodaro Archbishop Prof Ndanga.

 ?? ??
 ?? ?? Vanamati vachipfapf­aidzwa nemushonga vasati vatenderwa kupinda muchechi
Vanamati vachipfapf­aidzwa nemushonga vasati vatenderwa kupinda muchechi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe