The Herald (Zimbabwe)

Madzimai opunduka nekurima

- Muchaneta Chimuka

MADZIMAI anova nhengo dzesangano reWomen in Agricultur­e Union (WUA) vari kuita mabasa makukutu ekurima pamwe nekuvandud­za zvirimwa zvavo vachigadzi­ra kudya kunovaka muviri semufushwa, jamhu nedovi izvo zviri kuvabatsir­a kuti vakwanise kurarama nemhuri dzavo munguva ino yekurwisan­a nechirwere cheCovid-19.

Mai Olga Nhari vanova sachigaro weWUA vanoti kurima kuri kusimudzir­a madzimai zvakanyany­a.

“Denda reCovid- 19 parakatang­a kupinda munyika muno, mabhizimus­i ekurima akambodzor­erwa kumashure asi tinofara nekuti mwaka wadarika mvura yakanaya yakawanda uye varimi vedu vaive nezvekusha­ndisa zvakakwana mushure mekuwanisw­a rutsigiro neHurumend­e pamwe nemamwe masangano.

“Tinofarawo nekuderera kuri kuita chirwere ichi munyika muno zvinova zvava kuzarurira madzimai edu mikana yekurima uye kutengesa goho ravo nekuti bhizimusi rekurima rinosangan­isira nyaya dzekushany­a uye kusangana neveruzhin­ji,” vanodaro.

Madzimai aya ari mumabhinda­uko ekuchenget­a huku dzenyama uye mazai, kurima miriwo, matomatisi, kugadzira machipisi emabhanana, kukuya dovi, kugadzira zvinwiwa zvinobva mumawuyu kana masawu nezvimwe zvakawanda.

“Tiri kuita zvose izvi tichiteved­za zvataingoi­ta makare nekuti kudya kwechinyak­are kunovaka muviri nekudzivir­ira zvirwere. Tinovafund­isa kufusha miriwo yemhando dzose, mufushwa wematomati­si, wehowa, kuomesa mhodzi dzemanhang­a uye kubika sadza rezviyo, remhunga kana remapfunde.

“Chikafu chemhando iyi chiri kufarirwa mumisika nekuti vanhu vazhinji vave kuziva kuti chinobatsi­ra mukudzinga zvirwere secheshuga nebp uye kunyangwe chikadhura sei, vanhu vanotenga,” vanodaro.

Mai Nhari vanoti vanofundis­a zvekare madzimai kuchengeta hove.

“Bhizimusi rekuchenge­ta hove rakakosha zvikuru muupenyu nekuti tinowana mapuroteni, mari uye riri nyore kuita kana munhu achinge awaniswa ruzivo nevarimisi. Asi hove kana ukangoda kudzicheng­eta usingazive zvinodiwa sechikafu, kugadzira mvura yadzo pamwe nekuona kuti dzawana mweya wekufema unogona kurasikirw­a nadzo mukati menguva diki,” vanodaro

 ?? ?? Mudzimai achiratidz­a zvaanorima nekugadzir­a
Mudzimai achiratidz­a zvaanorima nekugadzir­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe