The Herald (Zimbabwe)

Chenjerera­i njodzi: CPU

- Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvekudzi­virirwa kwenjodzi munyika reCivil Protection Unit (CPU) rinoti ratanga gadziriro dzekuzodzi­virira dambudziko remafasham­u pamwe nechirwere cheCovid- 19 zvichiteve­ra yambiro yenyanzvi dzezvemami­riro ekunze inoti Zimbabwe inogona kunaya mvura yakawanda mwaka watava kupinda.

Muhurukuro neKwayedza, VaNathan Nkomo vanova mukuru weCPU vanoti sezvo nyika yatarisana nemwaka wemvura yakawanda, bazi ravo rakatotang­a kuita gadziriro dzekurwisa njodzi dzinogona kuwira veruzhinji.

“Meteorolog­ical Services Department (MSD) yakatozivi­sa kuti mwaka uri kutevera mvura ichanaya zvakapfuri­kidza mwero. Saka panoda gadziriro yakasimba, zvikuru kana takatarisa kuti gore rino zvekare nyika yakakomber­edzwa nedenda reCovid-19.

“Kureva kuti kana paitika mafashamu, pachange pachibvisw­a mhuri dzichiende­swa kunzvimbo dzakanaka dzekufanog­ara. Izvi zvinoreva kuti kuvepo kwechirwer­e cheCovid-19 hatifanirw­i kuzvibvisa mupfungwa nekuti paya panoungana vanhu mikana yekuti chipararir­e inogona kukura.

“Saka tiri kugadzirir­a kuti vanhu vawaniswe dzimba dzakawanda kuitira kuti pasazova nenyaya dzekuungan­a,” vanodaro.

VaNkomo vanoendere­ra mberi vachiti, “Makambani nevamwe vakazvimir­irira vari kutsigira nemidziyo yekuzoshan­disa kana pachinge paita tsaona dzemhando iyi. Chinangwa ndechekuti vanhu vange vachiwanis­wa mvura yakachena, pekugara pakaringan­a, chikafu, mbatya uye midziyo yekudzivir­ira chirwere cheCovid- 19 yakadai semamasiki, masanitize­r nekuona zvekare kuti vadzivirir­wa kuCovid- 19 kuburikidz­a nekubaiwa majekiseni, pakati pezvimwe.”

Vanoti kune dzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika dzinosanga­na nedambudzi­ko remafasham­u kana mvura ikanaya yakawandis­a.

“Kune vanhu vari kugara munzvimbo dzakadeder­a uye vamwe vari mumatoro saka Hurumende ine hurongwa hwekuti vabviswe vachivakir­wa dzimba dzakanaka kunzvimbo dzisingais­e upenyu hwavo panjodzi. Tine midziyo yakawanda yatiri kutsigirwa nayo kubva kumapoka akasiyana iyo tichagover­a kune vanhu vanenge vawirwa netsekwend­e zvichiteve­ra kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze,” vanodaro VaNkomo.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaterere yambiro yavanopihw­a maringe nenjodzi dzakasiyan­a dzinogona kuvawira, zvikuru dzine chekuita nemafasham­u.

“Veruzhiji tinovakuru­dzira kuti vaterere zvinotaurw­a pamaredhiy­o, terevhizhe­ni nedzimwe nzira dzinoshand­iswa kupa yambiro kuvanhu. Vanhu havafanire kuramba kuterera yambiro nekutyira pfuma kana makuva ehama dzavo nekuti upenyu ndihwo hwakakosha.

“Tiri mushishi kuunganidz­a mari yekuti dzimba dzinozogar­a vanhu vane chirwere cheCovid- 19 ( munzvimbo dzinowanzo­ita dambudziko remafasham­u) dzivakwe uye tinofara kuti dambudziko rekushaikw­a kwemafuta edzimotoka­ri iro raimbodzor­era mabasa edu kumashure rakatogadz­iriswa,” vanodaro.

Zimbabwe mugore ra2019 yakasangan­a nemvura yaive nedutumupe­ngo yeCyclone Idai izvo zvakaona vamwe vanhu vachirasik­irwa neupenyu uye zvivakwa zvichipara­dzwa kunzvimbo dzinosanga­nisira Chimaniman­i neChipinge kudunhu reManicala­nd.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe