The Herald (Zimbabwe)

Covid-19 iri kuderera

-

NYAYA dzevana, varairidzi nevamwe vanoshanda muzvikoro vari kubatwa neCovid- 19 dziri kudzikira uye bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kuramba richiongor­ora zvakasimba kuti denda iri risaparari­ra muzvikoro.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangan­o wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti matanho ari kutorwa neHurumend­e ekurwisa chirwere ichi munyika ari kubatsira zvakanyany­a.

“Pave kudzikira kwenyaya dzevari kubatwa neCovid-19 muzvikoro. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoramba rakangwari­ra zvikuru richiongor­ora mamiriro ezvinhu nechinangw­a chekudzivi­rira kupararira kweCovid-19 munzvimbo dzekudzidz­ira idzi,” vanodaro.

Muzvikoro nguva pfupi yadarika makambonet­sa nenyaya dzevadzidz­i, varairidzi nevamwe vanoshanda­mo vaibatwa neCovid-19.

Sen Mutsvangwa vanoti nyaya dzevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri dziri kudzikira zvakare munyika yose.

“Huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi hwakadziki­ra musvondo rapera ratiri kutaura nezvaro. Huwandu hwepakati nepakati hwevari kubatwa nedenda iri pazuva hwakadziki­ra kusvika pa10 kubva pa19. Izvi zviri kukonzerwa nematanho akasimba ari kutorwa neHurumend­e ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti pane chikwata chevezveut­ano chakatumir­wa kuChitungw­iza kuti chinoshamb­adza pamusoro pekukosha kwekuti vagari veko vabaiwe nhomba dzekudzivi­rira chirwere cheCovid-19.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakatumira chikwata kuChitungw­iza kuti chipe chenjedzo uye kusimudzir­a chirongwa chekuti vagari vekuChitun­gwiza vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi.

“Dare reCabinet rinoda zvakare kuzivisa veruzhinji kuti nyika iri kutaris

ira kutambira ma’syringes’ 5 000 000 munaMbudzi 2021. Izvi zvichaita kuti awedzeredz­e pamajekise­ni emushonga weCovid-19 anosvika 13 243 200 ayo atengwa kusvika pari zvino,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 132 016 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 125 693 vakatopona asi vamwe 4 645 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 183 314 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 apo 2 428 540 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Izvi zvinoreva kuti chikamu che37. 3 percent chevanhu vose vari munyika vabaiwa majekiseni ekutanga apo 28.3 percent vabaiwa echipiri.

Zimbabwe ine chinangwa chekubaya vanhu 10 miriyoni nhomba dzekudzivi­rira Covid-19 kuti nyika inge yakadzivir­irwa kubva kudenda iri.

 ?? ?? Senator Mutsvangwa
Senator Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe