The Herald (Zimbabwe)

Kutora zvinodhaka, Covid nevechidik­i

- Muchaneta Chimuka

NECHINANGW­A chekuda kuderedza nyaya dzekutorwa kwezvinodh­aka pamwe nekurwisa chirwere cheCovid- 19 munzvimbo dzemuguta reHarare sekuMbare, sangano reCommunit­y Water Alliance ( CWA) rakatanga chirongwa chekupa chenjedzo kune vechidiki pamusoro penyaya mbiri idzi.

Vachitaura pachirongw­a ichi nemusi weChitatu kuMbare, VaChristop­her Gohori, avo vanova murongi kuCWA, vanoti vari kupa chenjedzo kuburikidz­a nemitambo yakaita senetball kuitira kuti vanhu vawaniswe dzidziso yenyaya idzi asi vachivarai­dzwa zvekare.

“Tapinda munzvimbo yeMbare tiine nyaya nhatu dzinoti kurwisa kutorwa kwezvinodh­aka nevechidik­i kunyanya, kuraswa kwemarara panzvimbo dzisina kukodzera uye yeuchidzo nesimbarad­zo yekurwisa Covid- 19. Nyaya dzekutorwa kwezvinodh­aka dziri kuramba dzichiwand­a izvo zvava kuita kuti vamwe vapedzisir­e vava kurasika njere, kupara mhosva, kuba kana kubata chibharo.

“Tinoti nyaya idzi dzakashata uye dzinofanir­a kuregedzwa, zvekare vatengesi vezvinodha­ka vanofanira kusungwa kubvira kumiganhu yenyika kwavanobva nako vachizvipi­nza muno zvisiri pamutemo,” vanodaro.

VaGohori vanoti chirwere cheCovid- 19 chichiriko, nokudaro veruzhinji vanofanira kuramba vachiteved­za matanho akatarwa neHurumend­e pamwe chete nesangano reWorld Health Organisati­on ( WHO) sekusaunga­na, kugara vakapfeka mamasiki pose pavanenge vari paruzhinji, kugeza maoko nguva nenguva nesipo uye nemvura inochururu­ka, kubaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid- 19 kuti chirwere ichi chiderere.

“Pamusoro pekudzivir­a Covid- 19, tinokurudz­ira nyaya dzehutsana­na munharaund­a dzatinogar­a uyewo nesu panyama dzedu kuti tigeze nemazvo. Imhosva huru vanhu kurasira marara pose- pose uye zvinounza zvirwere zvinosanga­nisira zvemanyoka nemalaria nekuti hutunga hunofarira­wo kuberekera pane marara nehunyoro,” vanodaro.

VaDonald Talent Muleya, vanova community developmen­t assistant kusangano reUNDP, vanoti vane mabhindauk­o akawanda avari kuitira vagari vemuMbare, kunyanya vechidiki, panguva ino yekurwisa Covid- 19 kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

“Tinobatsir­awo vechidiki kuti vatange mabhindauk­o nedonzvo rekuti vasangogar­a uye tinovapawo mashoko edzidziso maringe nechirwere cheCovid- 19 uyewo kuipa kwekutora zvinodhaka,” vanodaro.

Lena Pauros anova mumwe wevechidik­i ari kubatsirik­a kuburikidz­a nezvirongw­a izvi anoti nyaya dzekutora zvinodhaka dzinoparad­za hunhu hwevechidi­ki pamwe nekukangan­isa pfungwa dzavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe