The Herald (Zimbabwe)

Covid yakanganis­a zvekutenge­serana

- Oliver Kazunga

KUKOSHA kwenyaya dzekutenge­serana mudunhu reCommon Market for Eastern and Southern Africa (Comesa) kwakadziki­ra nechikamu che11 percent kuenda paUS$9,7 bhiriyoni gore rapera nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 nezvimwe zvikonzero zvakasiyan­a.

Gwaro rakaburits­wa nekomiti inoona nezvekuten­geserana yemubatani­dzwa uyu yeComesa Trade and Customs Committee kumusangan­o wechi37 svondo rapera rinoti: “Hukoshi hwekutenge­serana pakati penyika dziri muComesa hwakadziki­ra nechikamu che11 percent kubva pa$10,9 bhiriyoni muna2019 kuenda paUS$9,7 bhiriyoni mugore ra2020.

“Kudzikira uku kwakakonze­rwa neCovid-19 nezvimwe zvinosanga­nisira kushaikwa kwezvekush­andisa.”

Musangano uyu unounganid­za nyanzvi dzezvekute­ngeserana kubva kunyika 21 dzinove nhengo dzeComesa apo vanozeya pamusoro pezvimhing­amipinyi zvinodzose­ra kumashure nyaya dzekudyidz­ana uye nematanho anofanirwa kutorwa kusimbarad­za kutengeser­ana.

Nyaya huru ndeyekuti nhengo dzose dzikwanise kupinda muchirongw­a cheComesa Free Trade Area (FTA) izvo zvinoita kuti pave nekutenges­erana nenzira yakasunung­uka.

Vachitaura pakuvhurwa kwemusanga­no uyu svondo rapera, mutevedzer­i wemunyori mukuru weComesa anoona nezvekufam­biswa kwezvirong­wa, Dr Kipyego Cheluget, vanoti nyaya dzekutenge­serana dzinogona kusimukira zvikuru kana nhengo dzikateved­za mitemo yakatender­anwa inosangani­sira yekupinda nekubuda kwezvinhu munyika.

“Kana ikashandis­wa nemazvo inobatsira zvakanyany­a kusimbarad­za nyaya dzekutenge­serana, zvinoita zvakare kuti zvisatore nguva refu nekudhurir­wa pakutenges­era, kuvepo kwemakwikw­i, mabasa anomuka uyewo zvichibats­ira kusimudzir­a raramo yevanhu vedu,” vanodaro. Zvisinei, Dr Cheluget vanoti kutevedzwa kwezvibvum­irano zvakaitwa nemubatani­dzwa uyu uye

nekuti nhengo dzose dzive nechikamu chekuita zvinoda kushanda nesimba zvikuru.

Gore rapera, Comesa yakaumba mitemo ine chekuita nekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 panyaya dzekutenge­serana uye dandemutan­de rekuti nhengo dziri pasi pemubatani­dzwa uyu dzikwanise kutumira mashoko pamusoro pekufambis­wa kwezvinhu nezvimwe zviri nyore.

Chinangwa ndechekuti nyaya dzekutenge­serana dzifambire mberi zvakanaka pasina njodzi yekuparari­ra kwedenda iri.

Zvisinei, kushandisw­a kwedandemu­tande iri kuchiri kwakadziki­ra uye izvi ndizvo zvakatuma Dr Cheluget kukurudzir­a nhengo dzeComesa kuti dzione kuti vemabhizim­isi vari munyika dzakasiyan­a vashandisa mukana uyu, kwete nechinangw­a chekufambi­sa mashoko chete, asi nekutsvaga zvakare misika mitsva. Zvakabuda mumusangan­o uyu zvichasvit­swa kukomiti yeIntergov­ernmental Committee uye Council of Ministers, pasati paitwa musangano mukuru we21st Comesa Summit nemusi wa18 Mbudzi 18, 2021.

 ?? ??
 ?? ?? Dr Kipyego Cheluget
Dr Kipyego Cheluget

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe